Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu-PF Dzotaura Kuti Sei VaMugabe Vari Musimboti weBato Ravo


Zimbabwe Zanu PF
Zimbabwe Zanu PF

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndovanonzi nevanhu vakawanda ndivo musimboti webato riri kutonga reZanu-PF. Izvi zvinopa vamwe kuti VaMugabe kana vasisispo bato iri rinenge rave mamvemve.

Asi chii chinopa kuti VaMugabe vave munhu anoremekedzwa kudaro mubato reZanu-PF.

Ako kambo kanonzi nyatsoterera unzwe kutonga kakaimbwa neMbere Chimurenga Choir kachitsigira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. Asi nzimbo dzekukudza VaMugabe hadzina kutanga ikozvino. Kana munguva yehondo izvi zvaiitwa sekuremekedza VaMugabe

Zvisinei kuti vakwegura nhengo dzebato dzinoti kuti Zanu PF irambe iri zvairi yakabatana yakasimba ndiVaMugabe. Mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe vanoti kana zvichibvira VaMugabe vangatotakurwa mubhara asi vachiramba vari panyanga.

Murongi wemisangano muZanu PF VaSaviour Kasukuwere vanoti VaMugabe ndivo zitateguru, mudzimu wemusangano.

Izvi zvinotsigirwa negurukota rinoona nezvedunhu reMashonaland Central VaMarin Dinha vanoti VaMugabe ndivo mudzimu wenyika sezvo vakamiririra nekusunungura vanhu vatema munyika.

Mumiririri weparamende muChegutu VaDexter Nduna vanoti vaMugabe havasi gamba remuZimbabwe chete asi igamba reAfrica nepasi pose.

VaNduna vanoti chinhu chichaita kuti zita raVaMugabe rirambe richitaurwa pasi rose inyaya yavakaita yekupa ivhu kuvanhu vatema munyika.

Sachigaro wemadzishe munyika VaFortune Charumbira vanoti VaMugabe ndimambo mukuru uyo anozivikanwa nekuda runyararo munyika make. VaCharumbira vanoti VaMugabe vanobatanidza vanhu vose munyika kwete zvedzimwe nyika dzine hondo yemarudzi.

Kuremekedzwa kuri kuitwa VaMugabe uko vamwe vanoti kutyiwa kunoonekwa zvakanyanya muZanu Pf sezvo pasina anobuda pachena kuti anodawo kutonga nyika ino.

Mumwe wevatevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhekezela Mphoko vanoti havatomboroti vachitonga. Aya ndiwo mashoko aigawo taurwawo namuchakabvu Simon Muzenda. VaMphoko vanoti havashuwire kutonga chero VaMugabe vari vapenyu.

Asi VaDinha vanoti gamba harife vachiti bato reZanu PF rinoenderera mberi kunyange VaMugabe vasisipo sezvo dzidziso yavo ichamutsa mumwe mumiririri akaita saivo.

VaKasukuwere vanoti VaMugabe vacharamba vachidiwa nevanhu sezvo vakaita semukaka uneruomba zvisinei kuti vaita zvakaipa sei nekuti zvavakaitira nyika ino zvikuru.

VaMugabe vanodiwa zvakanyanya mubato mavo zvekuti dzimwe nhengo dzave kuto vanamata vachiti ingirosi yakatumirwa kuvanhu vemunyika naMwari. Mumiririri weHighfield West muparamende VaPsychology Maziwisa vanotungamira mukuimbwa kwerwiyo “GABRIEL” pamusangano wakaitwa nebato ravo kuNorton svondo rapera.

Vamwe vakaita saVaWebster Shamu ndovanoti VaMugabe icremora, VaMugabe vanorumbidzwawo zvakanyanya nezvizvarwa zvedzimwe nyika zvichiti ndiye mutungamiri chete mudunhu reAfrica yose akakwanisa kupa vanhu vake ivhu rakarwirwa munyika dzakawanda.

Vamwe munyika vanoti chiitiko chekupa vanhu minda ndizvo zvakaita kuti munyika muve nekushayikwa kwezvekudya. As VaMugabe vanoti zvirango zvehupfumi zvavakatemerwa nenyika dzekumawirira ndizvo zviri kukanganisa hupfumi munyika.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG