Accessibility links

Breaking News

VaDzamara, Muzvare Masarira neVamwe Vosungwa muHarare


Dr Patson Dzamara

Pane vanhu vashanu vakasungwa muHarare nemusi weChishanu vachida kuratidzira vachiti havasi kufara nekushayikwa kwehutongi hwejekerere munyika.

Vamwe vevasungwa ava ndiMuzvare Linda Masarira pamwe naVaPatson Dzamara avo vanozivikanwa nekurwi ra kodzero dzevanhu.

Vamwe vasungwa ndiVaMokomborero Haruzivishe vanove nhengo yesangano revadzidzi munyika reZimbabwe National Students Union, kana kuti Zinasu, VaRanga Nhindi vanove nhengo yeZinasu zvakare pamwe neumwe angozivikanwa nezita rekuti Leverage.

Muzvare Masarira vakagara mujeri kwemazuva anodarika makumi masere uye vakabuda mujeri mazuva mashoma adarika mushure mekubhadhara mari yechibatiso.

Vasungwa ava vanga vasvika muHarare Gardens mavanga vachida kutanga kuratidzira pavazosungwa kuratidzira uku kusati kwatanga. Muzvare Masarira vambenge vaudza Studio 7 parunhare kuti vanga vachida kuratidzira vachiti havasi kusafara nekushayikwa kwehutongi hwejekerere vari pasi pechikwata chiri kudaidzwa kuti hashtag theendgame (#theendgame).

Vamwe vakasara pakusungwa kwaVaDzamara nevamwe vavo vakaita saVaTendekai Gwenhure vati kusungwa kuri kuitwa vanhu ava kunoratidza pachena kuti hurumende iri kutonga nehudzvanyiriri vachiti ndizvo zvezvimwe zvavari kugununu’una nazvo.

Mumwe wevanhu ava, VaOliver Gwatiringa vatsinhira zvataurwa naVaGwenhure.

Vaimbova nhengo yeparamende inomirira Zengeza West, VaCollin Gwiyo, vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kuzvisikira moto muziso nekuramba ichishungurudza vanhu vanenge vachida kuratidzira pakatariswa kuoma kuri kuramba kuchiita zvinhu munyika.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi vachiti havasati vaziva zvaitika.

Kusungwa kwaita vanhu ava kunogona kutadzisa VaDzamara naMuzvare Masarira kuenda kuLondon mukupera kwesvono rino uko vanga vakatarisirwa kunotaura pamusangano uri kuongorora mamiriro ezvinhu muZimbabwe.

Mapurisa akarambidza vanhu kuratidzira akati peguta reHarare kusvika musi wa15 mwedzi uno uye hazvisati zvazivikanwa kuti achawedzera here mazuva pakurambidza kwaakaita kuratidzira uku. Dare repamusoro rakatsinhira danho remapurisa iri.

Mumwedzi mishoma yadarika, munyika makave nekuratidzira kwakawanda zvakaita kuti vanhu vazhinji vasungwe vachipomerwa mhosva dzekukonzeresa mhirizhonga.

XS
SM
MD
LG