Vagari vemuChinhoyi vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yavo rekuti vabhadhare mari yekugadzira migwagwa vachiti kanzuru inofanirwa kushandisa mari inobva kubazi reZimbabwe National Road Authority (ZINARA).
Vachitura mashoko pakuparura bhajeti regore rinouya ra2017 reguta reChinhoyi neChipiri kanzura VaIgnatious Zvigadza vari zvakare sachigaro wecommittee yeFinance and Human Resources vanoti kanzuru iri kuenderera mberi nehurongwa hwekuti vagari vabhadhare mari dzekugadzirisa migwagwa.
VaZvigadza vanoti mari yavanopihwa neZINARA ishoma zvikuru sezvo vakangopihwa madhora zviuru makumi mana nezvinomwe gore rino.
Kanzuru iri kutarisisa kuwana dhora rimwechete pamba yega yega, madhora maviri pamakambani nemadhora mashanu pamabazi akazvimiririra akaita sezvikoro zvepamusoro.
Asi VaPeter Liwanda sachigaro weboka rinomiririra vagari vemuChinhoyi reChinhoyi Residents Trust (CRT) vanoti kanzuru yatadza kuita bhajeti rinoyamura varombo.
VaLiwanda vanoti chinorwadza ndechekuti pane dzimwe mari dzirikubhadharwa nevagari dzakafanana nedzekutakura marara nekuisa mwenje asi hapana zviri kuitwa.
Izvi zvinotsigirwa naVaAndrew Machingauta muzvinabhizimisi remotokari dzinotakura vanhu avo vanoti mari dzavanenge vobhadhara dzakawanda sezvo varikubhadhara mari dzekugadzira migwagwa parizvino asi hapana migwagwa iri kugadzirwa.
Kanzura Zvigadza vakazivisawo kuti kanzuru ichaderedza zvikwereti zvinevagari nechidimbu makumi matatu neshanu kubva muzana senzira yekurerutsa mutoro kuvagari.
VaLiwanda vanogamuchira hurongwa hwekuderedza kwezvikwereti asi vanoti haisi iyo nzira yekupedza dambudziko rekutadza kubhadhara mari.
VaLiwanda vanoti dambudziko rekutadza kubhadhara mari dzemvura nekutakura marara idambudziko rakatarisana nezvemamiriro ehupfumi munyika.
Mumwe wevanotengesa mumigwagwa VaRejoice Shambare vanofarira kudzikiswa kwemari dzekutengesa mumigwagwa kubva padhora rimwechete pazuva kusvika pa50 cents.
Kanzuru yeChinhoyi inotarisira kuwana mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nerimwe uye vanotarisira kushandisa mamiriyoni makumi maviri nechidimbu.
Mari yakawanda inonzi ichashandiswa mukukurudzira kugara kwakanaka kwevagari munyaya dzemvura, kutakurwa kwemarara,kuvaka makiriniki nekutenga mishonga.