Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Mhuri Dzotamiswa Misha kuMasvingo Mugadziriro yeMusangano weZanu-PF Conference


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Mhuri dzinosvika makumi matatu kuMasvingo dziri kutsutsumwa zvikuru nedanho rotorwa nebato riri kutonga reZanu-PF rekumbodzibvisa padzigere pedyo ne Show Ground.

Vagari ava vanoti vakanzi vambobuda mudzimba dzavanogara mwedzi unouya kuitira kuti Zanu PF ichitanga kugadzirisa nzvimbo iyi isati yaita musangano wayo wepagore weconference ichiti iri kuitira kuchengetedza mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe pamwe nevamwe vakuru vehurumende.

Mumwe ari kunzi ambobva ndiVaSteady Mujinga avo vanoti havana kwekuendesa mhuri yavo kwemwedzi wose sezvo vasina mari yekuroja.

“Dzimba dzepano dzakatichipira isu tiri mavendor, zvino tambonzi timbobuda nekuti vakuru vari kuuya saka kwekuenda hatina saka tichatodzokere kunogara mumigwagwa.”

Vamwe vari kumbotamiswa vanhu vanoshandira makambani anoratidzira zvinhu gore roga roga paShow Ground apa.

Vamwe amai vati vanoda kudaidzwa kuti Mai Zviko vanoti vari kushushikana kuti vari kumbodzingwa apo mvura inenge yonaya.

“Zvinoti shungurudza zvekuti timbobuda hatizivi kuti tichatandogarepi uye tichaendepi, nofunga tichatonogara mumugwagwa apo mvura yoda kutanga kunaya, musangano uyu wauya panguva isina kunaka.”

Mumwe mugari wepanzvimbo iyi aramba kudomwa nezita nekutyira hupenyu hwake anoti anofunga kuti dzimba dzavo dzichange dzichigarwa nevatsigiri veZanu-PF vasingakwanise kunobhadhara mari dzemahotera.

Ati zvekuti veZanu-PF vanoda kuchengetedza VaMugabe hazvina nematuro ose.

“Isu hatina chekuita nenyaya dze security, hatisi threat. Dai vatotosiya nevana vedu vangoenderera mberi nemutambo wavo isu tichiita zvedu tiri pano.”

Sachigaro we Zanu PF muMasvingo, VaAmasi Nenjani varamba kutaura neStudio 7 asi vakaudza vatori venhau kuti vakatoudza vagari ava kuti varongedze zvinhu zvavo vabve kuitira kuchengetedzwa kwehupenyu hwemutungamiriri wenyika nevamwe vatungamiriri veZanu PF.

Zanu-PF inoti inotarisira vatsigiri vakawanda kuuya kumusangano uyu uye bato iri ratotanga kupemha mari kuvanhu nemamakambani ehurumende neakazvimirira.

XS
SM
MD
LG