Murwiri wekodzero dzevanhu Amai Linda Masarira avo vakapedza mazuva makumi masere vari kujere reChikurubi mushure mekusungwa vachiratidzira zvisiri pamutemo vakaendeswa kuchipatara muHarare husiku hweChipiri mushure mekunge vatanga kurwara.
Kumbogara mujeri uu kunonzi nevamwe ndiko kwopa kuti Muzavre Masarira varware.
Shamwari yaMuzvare Masarira, VaOstallos Siziba avo vakambovharirwawo kuChikurubi vanoti vakakatyamadzwa nehurwere uhu sezvo vainge vaswera navo vachinzwa zvakanaka muswere wose.
VaSiziba vaudzawo Studio 7 kuti Muzvare Masarira vachiri kuongororwa navanachiremba asi vanoti parizvino zvinoratidza kuti chipfuva chavo hachina kumira zvakanaka.
VaNqobizitha Mlambo vanoti Muzvare Masarira vanogona kunge vakatapurirwa chirwere vari mujeri reChikurubi iro risina kumira zvakanaka.
Vanorwira kodzero dzevanhu vanogaroshoropodza majeri emunyika vachiti haana hutsanana pamwe nezvekudya zvakanaka. Muna 2011 dzimwe nhengo dzeparamende dzakashanyira majeri mashanu emuno dzikabuditsa gwaro rairatidza kuti kumajeri hakuna mvura yakachena, zvekushandisa zvakakwana pamwechete nezvekudya zvinovaka muviri.
Vasati vapinda muchipatara Muxvare Masarira vakaudza Studio 7 kuti dambudziko rimwe guru riri kuChikurubi nderezvekudya sezvo vanhu vachidya zvisina kukodzera.