Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshorwa neKuenda kuMabiko kuLesotho Nyika Isina Kana Kobiri


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasimuka munyika neMuvhuro vakananga kuLesotho kumhemberero yenyika iyi yekuwana kuzvitonga kuzere.

Asi vanopikisa vanoti zviri kuitwa naVaMugabe hazviratidze kunge vane hanya nekushupika kuri kuita vana veZimbabwe.

VaMugabe svondo rapera vainge vambokokwa kumhemberero dzakadai kuBotswana asi havana kuenda mushure mekunge mutungamiri wenyika iyi VaIan Khama vakurudzira kuti VaMugabe vasiye chigaro nekuti vakwegura.

Izvi hazvina kutambirwa zvakanaka nehurumende yaVaMugabe vakabva vatanga kutuka VaKhama.

Mutauriri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai vanoti VaMugabe vari kupedza mari yenyika nekungoenda kumhemberero dzisina nematuro ose.

Kunyangwe muzvipatara musina mishonga uye vashandi vehurumende vasiri kubhadharwa, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMugabe nemakurukota avo vanogara vari mundege zviri kudzosera nyika kumashure.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG