Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vorambidzwa Kuratidzira kuMasvingo Vachiti VaMugabe Vakundiakana Kutonga


Mapurisa emuMasvingo nemusi weChishanu akadzivisa vanhu vakaremara kuratidzira kunyangwe hazvo vaimbenge vavapa mvumo.

Vanotungamira sangano reDisabled Amalgamated Community Trust kana kuti DACT VaHenry Chivhanga nevamwe vavo vakadaidzwa kukamba yemapurisa yeMasvingo Central vachibva vaudzwa kuti vamire kuratidzira kwavange vakaronga vachitsutsumwa nehutongo hwemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaChivhanga nevamwe vavo vabva vachengetedzwa nemapurisa. Imwe nhengo yeDACT VaCover Mugwadhi vati vashushikana nezvaitwa nemapurisa.

“Ndofunga tinetsamba iyi inotiratidza kuti vakatitendedza, saka nhasi tati tichitanga vabva vatora hutungamiriri hwedu vakatirambidza, zvinoratidza kuti mapurisa hahana hanya nehupenyu hwevanhu vakaremara uye hurumende hainei nesu inongotida pasarudzo.”

VaChivhanga vazobuditswa mukamba yemapurisa vakawana nhengo dzavo zhinji dzatoenda asi ivo nevamwe vatungamiriri vashoma vazongoenderera mberi nekuratidzira. Kunyangwe varatidzira vari vashoma vati vabudirira mune zvavange vachiita.

“Isu tinoti tabudirira nekuti at least tagona kureva zvinotishungurudza, asi tatsamwira mapurisa apinza kutya muvamwe vedu vazoenda tisati tatanga vanzwa kuti tave kutirambidzwa,” Vanodaro VaChivhanga

Imwe nhengo ye DACT yaramba kudomwa nezita yati izvi zvinoratidza kuti hurumende yavakutya kunyangwe vakaremara avo iri kudzvinyirira.

“Mapurisa anoratidzira kuti arikushandisiwa ne hurumende, uye zvinoratidza kuti vave kutya vanhu vakaremara nekuti havakwanisi kuzadzisa zvido zvavo,” inodaro nhengo iyi.

VaDenis Mudzingwa vanovanhengo ye DACT vange vabva kudhorobha re Zvishavane uye vari munyori mukuru wevanhu vakaremara munyika kumusangano we MDCT vati zvaitwa nemapurisa nehurumende zvinoshoresa.

“MuZimbabwe zvava kuzivikanwa kuti havachadi kuona vanhu vanoratidzira, chinhu chashamisa mapurisa kuti vanhu vakaremara vanoda kuratidzirira vachiti vave kunonga svosve nemuromo, asi tafara nekuti zvaratidza kuti mapurisa ne hurumende vavhunduka vanhu vakaremara,” VaMudzingwa vanodaro.

VeDACT vati kunyangwe hazvo vavhiringidzwa vachaenderera mberi nekuratidzira vachikurudzira kuti hurumende yeZanu PF nemutungamiriri wayo vachibva pachigaro nekuti vakonewa kutungamirira nyika. Hatina kukwanisa kutaura nemapurisa ekuMasvingo kuti tinzwe kuti sei vazorambidza vakaremera ava kuratidzira.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG