Accessibility links

Breaking News

Dare Rorasa Nyaya yaAmai Mujuru yeKuramba Mari yemaBond Notes


Amai Joyce Mujuru
Amai Joyce Mujuru

Dare repamusoro-soro reConstitutional Court nemusi weChitatu rakaramba kunzwa chikumbiro chemutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru chekuti hurumende isaunze mari yemabond notes vachiti zvinotyora kodzero dzavo.

Dare iri ratura mutongo wekuti harisi kuzonzwa nyaya iyi nepamusana pekuti Amai Joice Mujuru vakurumidza kumedza kutsenga kuchada.

Vachitura mutongo wedare, mukuru mukuru wevatongi munyika, VaGodfrey Chidyausiku, vati mabond notes aya haasati awunzwa uye hapasati pave kuzvikanwa kuti hurumende ichasevenzesa nzira ipi kuaparura.

Gweta raAmai Mujuru, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati mabond notes aya anotyora kodzero dzaAmai Mujuru pamwe nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe sezvo vachiti hapana mutemo uri kushandiswa nehurumende kuunza ma bond notes aya.

Asi gweta ranga richimirira VaJohn Mangudya vanove gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, kana kuti RBZ, Advocate Thabani Mpofu vati hurumende ichatevedzera mutemo mukuunza mabond notes aya.

Zvichakadaro, VaChidyausiku vati Amai Mujuru vane mukana wekuzokwidza nyaya iyi nechimbichimbi kudare repamusoro reHigh Court kana mabond notes aya achinge aparurwa zvisiri pamutemo. VaMadhuku vati havana kufara nemutongo waturwa nedare.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo uye vari gweta zvakare, VaKudzai Kadzere, vati havawoni hurumende ichizokwanisa kugadzira mutemo nenguva unoita kuti mabond notes aya atange kushandiswa zviri pamutemo.

Veruzhinji vari kupikisana nehurongwa hwehurumende hwekuunza mabond notes aya vachiti hurumende iri kuda kuedza kudzosa dhora remuZimbabwe nerweseri.

Asi hurumende inoti ichi hachisi chokwadi ichiti ma bond notes aya achashandiswa senzira yekurudzira kuti vemabhimuzimusi vatengese kune dzimwe nyika kana kuti export incentive.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG