Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshorwa neKuda Kurambidza Vanhu Kushandisa Mureza weNyika


Pastor Evan Mawarire#ThisFlag
Pastor Evan Mawarire#ThisFlag

Vanhu vakawanda munyika nemusi weChitatu vakashora zvikuru hurumende nemashoko ayo ekuti vese vari kushandisa mureza wenyika zvisina mwero vachasungwa vachiti zviri pachena kuti hurumende yeZanu-PF haisi kufara nekushandiswa kuri kuitwa mureza nevanh vari kuratidzira vakaita samufundisa Evan Mawarire ve#This Flag Campaign, Tajamuka Sesijikile nevamwe.

Mumashoko avo nezuro, munyori mukuru mubazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza, vakayambira vese vavanoti vari kutyora mutemo wemureza wenyika, kana kuti Flag of Zimbabwe Act newekushandiswa kwawo we Flag of Zimbabwe (use and application of flag) Regulations, 1987, Statutory Instrument 194 of 1987 vachasungwa uye vanogona kukandwa mutirongo kwemwedzi mitanhatu kana kubhadhara faindi yemazana maviri emadhora.

Asi vazhinji vatataura navo varatidza kushushikana nemashoko aAmai Mabizhiza vachiti zviri pachena kuti hurumende yave kuronga kurambidza veruzhinji kushandisa mureza wenyika.

VaMaclean Muhwati vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kuramba kumbunyikidzwa uye vashandise mureza wavo zvavanoda.Mumwewo mugari wemuHarare uyo ati anonzi Priscah ati mashoko ehurumende haana kunaka sezvo mureza uri wemunhu wese.

Mutauriri wechikwata cheTajamuka VaPromise Mkwananzi vanoti Havana chavanovhunduka pamashoko ehurumende aya uye vacharamba vachishandisa mureza wenyika senzira yekuratidza kuti vanoda nyika yavo.VaMkwananzi vati zviri pachena kuti hurumende nezviito zvayo ndiyo iri kuto vhiringa mureza wenyika.

Mutevedzeri wasachigaro weMDC-T VaMorgan Komichi vati zviri pachena kuti hurumende haisi kufara nekuti mapato anopikisa pamwe neveruzhinji vave kushandisa mureza apo vanenge vachiratidzira uye vati bato ravo rinotsigira kushandiswa kwemureza nevana neZimbabwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute Dr Pedzisayi Ruhanya vaudza Studio 7 kuti zviri pachena kuti hurumende haisi kufarira kushandiswa kwemureza nevanhu vanoipikisa.

Asi vati semaonero avo hapana chakaipa pane zviri kuitwa nezvikwata zvakaita #This Flag neTajamuka vachiti nhengo dzazvo dziri kupfeka mureza senzira yekurangairidza hurumende kuti yave kutadza kutevedza zvisungo zviri pamureza wenyika.

Vaenderera mberi vachiti mureza wakakosha chose uye zviri kuitika munyika zvinoratidza pachena kuti hurumende haisikuremekedza kana kutevedza zviri pamureza wenyika.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKudzayi Kadzere vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo paine mutemo unorambidza kusashandiswa zvakanaka kwemureza wenyika zvave pachena kuti hurumende yavhiringidzwa nevakomana nevasikana vari kuratidza kusafara nemashandire ayo pamwe nekubata kwairi kuita veruzhinji.

Pasi pemutemo wemureza wenyika imhosva kuupisa kana kubvarura pamwe nekuutengesa kana kuugadzira usina mvumo yehurumende.

Vanoongorora zvematongerwo enyika nemagweta vanoti pane vese vari kuratidzira hapana ari kupisa kana kubvarura mureza wenyika.Nhengo yeZanu-PF vari gweta VaPsychology Mazivisa vanoti zvaitwa nehurumende dizvo chaizvo.

Asi rimwe gweta Dr Alex Magaisa vanodzidzisa paKent Law School kuBritain vanoti zvii kuitwa nehurumende kutyora bumbiro remutemo idzva. Kambani yeWilliam Smith and Grouck ndiyo kambani inozivikanwa imvumo yekugadzira mureza wenyika.

Mumakore mapfuura pane makambani akawanda ekunze nemuno ari kugadzira nekutengesa mureza uye nyanzvi dzinoti izvi zvange zvisina basa kuhurumende sezvo mireza yaishandiswa pazvirongwa zvayo pamwe nemisangano nemitambo yebato ririkutionga reZanu PF.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG