Accessibility links

Breaking News

VaPromise Mkwananzi Vobuditswa muHusungwa


VaPromise Mkwananzi
VaPromise Mkwananzi

Dare repamusoro reHigh Court nemusi weChitatu rakapa mukana wekubvisa mari yechibatiso mutauriri weTajamuka/Sesijikile VaPromise Mkwananzi pamwe chete naVaBruce Usvisvo.

Vaviri ava vakasungwa masvondo apfura vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga pakuratidzira kwakaitika muHarare apo pakapiswa motokari dzemapurisa neyeZBC.

Zvichakadaro nemusi weChina dare richanzwawo chikumbiro chekuwana mukana wekubvisa mari yechibatiso chakaitwa nevamwe vasungwa makumi matanhatu nevasere vakasungwa pakuratidzira kwemubatanidzwa wemapato anopikisa eNational Election Reform Agenda kana kuti NERA musi wa 15 Gunyana.

KuBulawayo, dare rakatiwo richanzwa chimwe chikumbiro chekubvisa mari yechibatiso chakaturwa nemunyori muMDC-T Youth Assembly mudunhu iri VaKunashe Muchemwa uye VaTinotenda Mhungu nevamwe gumi nevaviri nemusi weChishanu.

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG