Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeTajamuka VaMudzvova Vopambwa neKuitwa Kafiramberi


VaSilvanos Mudzvova
VaSilvanos Mudzvova

Imwe nhengo yeTajamuka/Sesijikile iri muchipatara muguta reHarare mushure mekupambwa uye kuitwa kafiramberi nevanhu vaanofungidzira kuti vasori.

Nhengo yeTajamuka uye vachiita zvemitambo VaSilvanos Mudzvova vakapambwa nezuro manheru nenguva dzekuma 11 nevarume vatanhatu kumba kwavo kuCrowborough vakarohwa zvakaipisisa vakazowanikwa vakandwa kumakomo eNharira pedyo neNorton.

VaSilvanos Mudzvova
VaSilvanos Mudzvova

Vachitaura vari muchipataura umo vange vachiratidza kudzimbikana zvikuru, VaMudzvova vaudza Studio 7 kuti vakakuvadzwa musana, makumbo pamwe nekuiswa magetsi panhengo dzavo dzakavandika.

VaMudzova vanoti vakatorwa kumba kwavo pamberi pemudzimai nevana vavo.

Vapambi ava vakapinda zvine chisimba ndokvapfekedza saga mumusoro kuti vasaone kwavaienda. VaMudzvova vanoti kunyangwe zvazvo vakasiyiwa vaita kafira mberi havasi kuzorega kunyunyuta nehutongi hwemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Imwe nhengo yeTajamuka VaClaris Madhuku vanova murwirizve wekodzero dzavanhu vashoropodza zvikuru kutorwa kupambwa kwevanhu.

VaMadhuku vatsinhirawo kuti sevechidiki havazomberegi kushoropodza kuiswa kwehupenyu hwavo musango nehurumende yaVaMugabe. VaSharon Hofisi, gweta rinorwira kodzero dzavanhu vachishandawo nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vakurudzira hurumende yaVaMugabe kuti ichengetedze zvizvarwa zvenyika vakati zvekupambwa kwevanhu zvinofanira kuregedzwa.

Vakurudzirawo hurumende kuburikidza nemapurisa iongorore nekusunga avo vari kushungurudza vanhu nekuvapamba. Kupambwa kwaVaMudzvova uku kunouya mazuva mashomanana dzimwe mhuri dzekuEpworth dzarohwa nevanhu vasingazivikanwe vhiki rapera pakati pehusiku vachipomerwa mhosva yekubatana nevarikuratidzira vachinyunyuta nekutonga kwaVaMugabe.

Bumbiro remutemo wenyika rinochengetedza zvizvarwa zveZimbabwe kubva mukupambwa nekubatwa zvakaipa uye kurohwa.

Asi vakawanda vanoti vasori nevatsigiri veZanu-PF vanongoregwa vachiita madiro aJojina nehurumende. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa amai Charity charamba sezvo vadaira nharembozha yavo vati vange vari mumusangano.

XS
SM
MD
LG