Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votaura paKutoreswa Mhiko kwaVaLungu vekuZambia


VaEdgar Lungu veZambia
VaEdgar Lungu veZambia

Mutungamiri wenyika yeZambia VaEdgar Lungu vakatoreswa mhiko nemusi weChipiri mushure mesarudzo dzakaitwa mwedzi wapera.

VaLungu vakatora mhiko kunhandare yeHeroes Stadium muLusaka. Asi vemapato anopikisa vanoti sarudzo idzi dzakabirirwa uye VaLungu vaishandisa mhirizhonga. Valungu vanoti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

VaEdgar Lungu naVaRobert Mugabe
VaEdgar Lungu naVaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vashoma shoma vakange vari kuZambia.

VaMugabe ndivo vakataura vakamirira vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica.

VaMugabe vati nyika dzine hutongo hwejekerere hadzidi vanhu vanoda kushandisa mhirizhonga kutora masimba.

Vakatiwo Zambia yainge yabuda pachena kuti sarudzo ndidzo dzinofanira kushandiswa munyaya dzezvematongerwo enyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika kuMulungushi University of Zambia VaShakespeare Hamauswa vanoti mashoko aVaMugabe akatambirwa zvakasiyana muZambia vamwe vachiti vainge vabaya dede nemukanwa asi vamwe vachishora vachiti makudo ndemamwe zvikuru vachitarisa nyaya yemhirizhonga.

Hurukuro naVaShakespeare Hamauswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG