Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Voparura Chirongwa cheMamiriro eHupfumi Vachibuditsa paChena Kuti Zvinhu Hazvina Kumira Zvakanaka


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa, nemusi weChina vakatura hurongwa hwemashandisirwo akaitwa mari nehurumende kusvika pakati pegore vakaburitsa pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

VaChinamasa vakati zvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe kubva muzana zvemari yese yakawanikwa nehurumende kubva muna Ndira kusvika muna Chikumi zvakashandiswa kubhadhara vashandi vehurumende uye zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvekuti hurumende inofanira kutora matanho ekuderedza huwandu hwemari iyi.

VaChinamasa vakazivisawo kuti panguva imwe cheteyo, mari yaitarisirwa kuwanikwa nehurumende yakadzikira kubva pa $1.87 billion kusvika pa$1.69 billion.

Vanoti nekuda kwaizvozvo vave kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura ne1.2 percent kwete 2.7 percent yavange vakatarisira.

Asi mumiriri weMusikavanhu Consituency VaProsper Mutseyami vebato reMDC-T vaudza Studio 7 kuti VaChinamasa havana kunyatsobuditsa pachena kuti vachagadzirisa sei nyaya yehupfumi hwenyika.

Mukuyedza kuvandudza hupfumi, VaChinamasa vatiwo hurumende iri kutora matanho akasiyana siyana munyaya dzemabasa ekurima uye nyaya yezvezvicherwa.

Vati vemabhimizisi vanofanira kuziva kuti mutemo wekudzivirira kupinda kwezvinhu munyika weStatutory Instrument 64 wakadzikwa gore rino hausi kuzoramba uripo nekudaro vanofanira kugadzirisa mabhizimisi avo usati wabviswa.

Vatiwo chikuru chinodiwa kuti hupfumi husimuke inyaya yekuti makambani emunyika atange kugadzira zvinhu. VaChinamasa vati nyika iri kuramba ichitenga zvinhu zvizhinji kubva kunze ichirasikirwa nemari yakawanda.

VaChinamasa vatiwo mangoda haana kuunza mari sezvange zvakatarisirwa uye pakacherwa makarati anoda kusvika miriyoni asi ivo vange vakatarisira makarati mamiriyoni matanhatu.

Vatiwo kambani yemarasha yeHwange haisi kufamba zvakanaka uye iri kuita zvinhu zvisinei nayo zvakaita sekuve nezvipatara, dzimba nezvimwe. Vati nekuda kwaizvozvo vave kuronga kuti kambani iyi ipe dzimba dzese kubazi rezvematunhu uye kuendesa zvipatara kubazi rezvehutano kuti isare ichiita basa rekuchera marasha chete.

Asi munyori anoona nezvehupfumi muMDC-T, VaTapiwa Mashakada vati izvi zvinogona kupa kuti mamwe makambani aregedze kuvakira vashandi vawo dzimba vachityira kuti dzinozotorwa nehurumende.

VaChinamasa vazivisa kuti nyika iri kutora matanho akasiyana siyana kusimudzira mabasa ekurima mumaruwa nemumapurazi mumwaka unotevera.

Vanoti pari zvino kunyange hazvo nyika yakatarisana nenzara hapana achafa nenzara sezvo paine chibage chinokwana mwedzi misere.

Vati chibage ichi chakatengwa nehurumende, makambani pamwe nemasangano akazvimirira nenyika dzakabudurira.

VaChinamasa vatiwo havasi kufara nenyaya yekuti mabhanga ekune dzimwe nyika zvikuru sei ekuAmerica nekuEurope ave kuramba kushanda nemabhanga emuno izvo zvave kukanganisa mabasa ehupfumi munyika.

Vatiwo nyika icharamba ichishandisa mari yekunze kusvika hupfumi hwanaka uye vati vane hurongwa hwekukurudzira vanhu kuti vashandisewo maRands, MaPula, Australian Dollar nedzimwe mari pane kushandisa mari yekuAmerica chete.

Gavhuna webhanga guru renyika, Dr John Mangudya vaudza Studio 7 kuti matanho atorwa naVaChinamasa akanaka chose munyaya dzekusimudzira hupfumi.

VaMangudya vatiwo vanhu vanofanira kutsigira hurongwa hwekushandisa mari dzakawanda kwete kushandisa madhora ekuAmerica chete.

Nhengo dzeparamende dzichazeya gwaro raVaChinamasa muna Gumiguru apo dare reNational Assembly richatanga kugara zvakare.

Zvichakadaro, paramende ichatanga kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhajeti regore rinoouya svondo rinouuya. Komiti iyi ichatenderera nenyika yese ichinzinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhajeti.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG