Nhengo nhatu dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai nemusi weChipiri dzakabatwa nemhosva yekuponda mupurisa mumusha weGlenView muHarare muna 2011.
Vachitura mutongo wavo panyaya iyi, mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vawana vanhu vatatu vaine mhosva yekuponda VaMutedza.
VaBhunu vati kunyangwe hazvo zvisina kubuda pachena kuti ngana ndiye akapotsera dombo rakatema VaMutedza zvakazokonzera kuti VaMutedza vafe zviri pachena kuti vatsigiri veMDCT ava vaiva nechinangwa nechekuponda sezvo mumwe mufakazi akapa humbowo pakutongwa kwenyaya iyi akati akanzwa mumwe munhu achidaidzira kuti mapurisa arohwe sezvo achidyidzana nebato riri kutonga reZanu PF.
Vabatwa nemhosva yekuponda ava ndiVaLast Maengehama avo vaimbova nhengo yekomiti yepamusoro muMDCT, VaTungamirai Madzokere vanove kanzura mukanzuru yeHarare pamwe naMuzvare Yvonne Musarurwa vanove nhengo yeboka revechidiki muMDC-T.
VaPhineas Nhatarikwa, avo vanoshanda semutyairi muMDC-T, vabatwa nemhosva yekubatsira Muzvare Musarurwa naVaMadzokere kubva panzvimbo yakaparirwa mhosva iyi mushure mekuvatakura nemotokari pakaitika kurwisana pakati pemapurisa nevechidiki ve MDCT.
Vamwe vatatu vanoti VaEdwin Muingiri, VaLazarus Maengehama naVaPaul Rukanda vasunungurwa sezvo zvanzi nedare hapana humbowo hunoratidza kuti vaivepo pakapondwa VaMutedza.
VaRukanda vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nemutongo waturwa nedare sezvo zviri pachena kuti pari kuitwa zvematongerwo enyika.
Pakatanga nyaya iyi, paive nevasungwa makumi maviri nevapfumbamwe asi vamwe makumi maviri nevaviri vakawanikwa vasinawo mhosva pakanzwikwa nyaya iyi. Vanhu ava vaisanganisira VaPaul Madzore avo vaimbove sachigaro kuboka revechidiki muMDCT vasati vabuda mubato iri.
Pakutongwa kwenyaya iyi, nhengo dzeMDC-T idzo dzairamba mhosva iyi dzichiti dzaishungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.
Gweta revasungwa ava Amai Beatrice Mtetwa vaudza Studio 7 kuti vanhu ava vachadzoka kudare nemusi weChina kuti patange kuzeyiwa chirango chavo. Vati kusvika izvi zvaitwa havana zvakawanda zvavakataura nevatori venhau.