Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Voshora VaMugabe Vachiti Varikutyisidzira Vatongi veMatare


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutngamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kushorwa zvikuru nevanhu munyika mushure mekunge vashora vatongo vematare avo vari kupa mvumo vanhu vari kuratidzira kuti vapinde mumigwagwa.

Vachitaura pamusangano wevechidiki vebato ravo weZanu-PF Youth league nemusi weMugovera, VaMugabe vakashora vatongi ava vachiti vari kupa vanhu mvumo avo vari kubuda pachena kuti vanoda kubvisa hurumende pachigaro vachishandisa mhirizhonga.

Mashoko aVaMugabe ari kushorwa zvikuru nevanhu vakawanda. Mutungamiri webato rePDP VaTendai Biti vakashora VaMugabe pamusangano wavakaita kuEpworth nemusi weSvondo.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T VaNelson Chamisa vashorawo zvikuru mashoko aVaMugabe vachiti anotyisidzira vatongi.

Mumwe wechidiki muHarare, Tinashe Muzamindo audza Studio 7 kuti zviripachena kuti VaMugabe havana hanya nekodzero dzevanhu.

VaOwen Dhliwayo mumwe mugari wemuHarare vatiwo kuita kwaVaMugabe kunoratidza kuti havatevedzeri bumbiro remutemo wenyika uye zviri pachena kuti vanogona kumakidzira matare edzimhosva kuti vaite zvavanofarira ivo mbune. Vanoti aka hakasi kekutanga VaMugabe vachizviita.

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Dr Pedzisai Ruhanyaya, vati vanoshushikana zvikuru nemashoko aVaMugabe uye vati vanofanira kurangarira kuti mhuri yavo ichazodawo matare mune remangwana.

VaRuhanya vati nhoroondo yaVaMugabe nebato ravo yekutyisidzira vatongi inozikanwa uye VaMugabe vanoita izvi kana hurumende yavo ichinge yave pamurumananzombe.

Hurumende yaVaMugabe yakambodzingawo vatongi vakawanda mumakore ekuma2000 zvichitevera kupinda kweMDC mudariro rezvematongerwo enyika pamwe nehondo yeminda.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu muChinhoyi VaMichael Chandida vanoti hapana dare ringarambidze munhu kuratidzira sezvo bumbiro remutemo richipa kodzero iyi kumunhu wese paSection 59.

VaChandida vanoti dare haringarambidze munhu kuratidzira nekufungidzira kuti achaita mhirizhonga.

Izvi zvinotsigirwa nerimwe gweta VaTapiwa Muchineripi avo vanoti mabasa ehurumende akasiyaniswa zvekuti bazi revatungamiri venyika kana kuti executive harifanirwe kupindira mukutongwa kwedzimhosva.

Sachigaro weZimbabwe People Fist (ZimPF) muChinhoyi VaTendai Musonza vanoti mashoko aVaMugabe ndeekutyisidzira vatongi vedzimhosva sezvinoita vadzvanyiriri pasi rose.

VaMusonza vanoti zviri kuita VaMugabe ndizvo zvakaitwa nevaimbotonga nyika ino muchakabvu VaDouglas Ian Smith.

VaMusonza vanoti kurambidzwa kuratidzira kuchaita kuti mhirizhonga inyanye kuitwa sezvo kurambidza vanhu kuratidzire kutyora kodzero dzavo.

Izvi zvinotsigirwa nenhengo yezvematongerwo enyika VaDenis Kagonye vanoti mhirizhonga ichanyanya munyika vanhu vakarambidzwa kuratidzira.

Asi gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaIgnatious Chombo vanoti mapurisa kwete matare ndiwo anoziva mamiriro anenge akaita zvinhu. VaChombo vakaudza Studio 7 kuti akawana zvakakodzera kumisa kuratidzira anongoita izvozvo.

Vachitaura kunhengo dzeZanu PF Youth League neMugovera, VaMugabe vakashoropodza vatongi vedzimhosva vachivapomera mhosva yekubvumira vanhu kuti varatidzire sezvinobvumirwa nebumbiro remutemo wenyika.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG