Vabereki vane vane vana vari muzvikoro kunyanya zveboarding vari kugunun’una ne kushaikwa kwemari kumabhanga kuti vakwanise kudhadharira vana vavo mari yechikoro.
Izvi zvaita kuti vana vazhinji vakundikane kuenda kuzvikoro zvavo nhasi izvo zvinovhurwa neChipiri.
Vabereki vazhinji zvikuru vashandi vehurumende vanoti vari kutadza kutora mari mumabhanga kunyangwe hazvo vamwe vavo vakatambiriswa svondo rapera. Nenyaya yekushomeka kwemari, vanhu vanonzi vari kupihwa zano remadhora chete pazuva.
Amai Tilda Gono vanoti mwana wavo akakundikana kuti aende kuchikoro nhasi sezvo vasati vapedza kutora mari kuti vamubhdharire.
“Ini chiri kunyanya kundirwadza ndechekuti mari yakanonoka kuuya kubva kuhurumende saka ndiri kutoenda zuva ne zuva ndichipuwa $100 apa school fees inodiwa i$500, saka ndirikusurukirwa nekuti vamwe vake vanenge vakutotanga kudzidza iye asati nekuti anenge arambirwa kuti auye kuchikoro,” vanodaro Amai Gono
Vabereki vari kuchemawo kuti zvaitika panguva yakaipa sezvo vana vanenge votarisirwa kunonyora mazamanishoni avo ekupedzisira eO Level neA Level.
VaTedius Mukodza vekwaChivi vanoti varara mudhorobha reMasvingo kubva Chishanu kuti vaunganidze mari yechikoro yemwana wavo.
“Unona izvezvi wangu umwe wacho (mwana) ari form four apo ndine vaviri vose vari kunyora saka mari yacho patinoitora panodiwazve yechikafu, saka toona sekuti vana vedu vanogona kutofoira ne nyaya yekushaikwa kwemari iyi.”
Vabereki vanoti kushaikwa kwemari kana kwavakukanganisa dzidzo yevana vavo zvinovashungurudza zvikuru.
Vana vanodzidza kumisha nemumadhorobha vanotiwo vari kunetsekana nekuunganidza mari inodiwa kuzvikoro.
VaItai Mutamba vanotivo nyaya yekushaya mari iri kuvaodza moyo.
“Ini chinondishungurudza ndechekuti ndavanenguva yakakura ndichienda kubhengi ndichishaya mari saka vana vangu vachatotadza kuenda kuchikoro nenguva yakatarwa, ” VaMutamba vanodaro.
Mumwe mubereki akaramba kudomwa nezita rake ashoropodza hutungamiriri hwe hurumende ye Zanu PF achiti hauna hanya ne hupenyu hwavo ne hwevana vavo sezvo ivo vasingabatwi nezvakadai sezvo vana vavo vachidzidza kunze kwenyika.
“Tiri kushaya mari mumabank tichipuwa ma limits uye vakuru vehurumende havaneyi en education sector sezvo vana vavo vachidza kunze kunana Dubai, Singapore neku Europe,” anodaro mubereki uyu.
Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezve dzidzo VaLazerus Dokjora kuti tinzwe kuti hurumende inotii ne nyaya yevana varikutadza kuenda nenyaya yemari.
Gavhuna weRBZ Dr John Mangudya vakambozivisa kuti hurumende ichaisa michina yekuti vanhu vakwanise kubhadhara mari dzechikoro vachishandisa michina yechizvino kana kuti MaPoint of sale machiens uye ma atm cards. Asi izvi zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida.