Accessibility links

Breaking News

MuHarare Dare Rinoti Muchuchusi Akazvidza Dare, KuBulawayo Mutori weNhau Akarohwa neMapurisa Pakuratidzira Achiendeswa kuChipatara


Kunzwikwa kwechikumbiro chechikwata chevanhu makumi matanhatu nevasere kusanganisa mutori wenhau James Jemwa vakasungwa pakuratidzira kwakaitika muHarare svondo rapera kwakaenderera mberi neChishanu mutongi wedare achiti hurumende yazvidza dare mukunzwikwa kwechikumbiro ichi.

Mutongi wedare, VaTendai Mahwe, vakatanga nekutura mutongo wekuti muchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vakazvidza dare nekusauya kudare nenguva dzakatarwa nedare neChina kuti vauye. VaReza vanonzi vakaenda havo kudare nenguva dzavanoda.

Mutongo waturwa naVaMahwe wabva waita kuti hurumende itadze kubvunza mufakazi wayo rwepiri sezvo yarambidzwa nedare.

Rimwe remagweta ari kumirira vasungwa ava, VaObey Shava vaudza Studio 7 kuti zvaitwa naVaReza kusakoshesa kodzero dzevasungwa dzekuti vagare zvakasununguka.

Mukusvitsa chikumbiro chekuti vasungwa ava vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso, magweta ari kumirira vasungwa ava aenderera mberi nekubvunzurudza mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaRaphael Chakama avo vanga vachiti havana chavanoziva nezvekusungwa kwevanhu ava.

Rimwe remagweta aya, VaHarrison Nkomo, vaudza dare kuti hapana chikonzero chinoita kuti VaJemwa nevamwe vavo varambe vari muhusungwa pasina zvikonzero zvakati tsvikiti zvasvitswa kudare nehurumende sezvo mufakazi wehurumende abudawo pachena kuti haana humbowo parizvino hunoratidza kuti vasungwa ava vakapara mhosva.

Rimwe remagweta aya, VaTrust Maanda, vatiwo zvinhu zvinoshoresa kuti mupurisa auye kuzomira pamberi pedare achiti anoda nguva yekuferefeta vanhu vari muhusungwa.

VaShava vati vari kutarisira kuti VaMahwe vachatura mutongo wavo neChishanu sezvo vakabata-bata zvakawanda pachikumbiro chekuti vasungwa ava vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Vasungwa ava vakasungwa zvichitevera kuratidzira kwakarongwa nemapato anopikisa ayo akazopihwa mvumo nedare repamusoro reHigh Court kuti aratidzire asi mapurisa akavarambidza ndokuvarova nekuvakandira hutsi hunokachidza.

Zvichakadaro, vamwe vasungwa vatatu vanoti VaPride Mukono avo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revadzidzisi vekumaruwa reRural Teachers Union of Zimbabwe, nhengo yesangano revadzidzi reZinasu, VaMakomborero Haruzivishe pamwe nenhengo yesangano reCrisis in Zimbabwse Coalition, VaMehluli Dube, vakamiswawo pamberi pedare ramejasitiriti kuMbare vachipomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga zvichitevera kuratidzira kwavakaita pamatare neChipiri pakaunzwa VaJemwa nevamwe vavo kudare vachiratidza kusafara nekusungwa kwakanga kwaitwa vasungwa ava.

Vatatu ava vanzi vadzoke kudare zvakare neChishanu pachanzwikwa kwechikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Vamwe vatatu vakasungwa muHarare neChina vaendeswa kumahofisi eNational Prosecuting Authority. Vaviri ava vainge vambonzi vakaita musarinya kana kuti Criminal Nuisance asi nyaya iyi yazokwira mutarara sezvo vave kupomerwa mhosva yakakura yekukonzera mhirizhonga nekuputsa zvinhu kana kuti Malicious Damage of Propert pasi pechikamu 140 chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.

Zvichakadaro, kuBulawayo, mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimira, Crispen Ndlovu uyo akarohwa zvakaipisisa nemapurisa anonzi aendeswa kuchipatara uko ari kurapwa. Vamwe vanhu vanomwe vakasungwawo muguta iri neChina vari kutarisirwa kuendeswa kudare neChishanu.

Pavanhu ava pange paine mwana mudiki asti abva zera uyo azoendeswa mumaoko evabereki vake. Vanomwe ava vakasungwa vachida kuratidzira muBulawayo. Sangano reBulawayo Youth Arise ndiro rainge rakaronga kuratidzira uku richiti harisi kufara nemamiriro akaita zvinhu muguta iri.

XS
SM
MD
LG