Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Ozara muHarare Kudzivirira Vanhu Kuratidzira


Kunyange hazvo zvitoro nemisika yakawanda zvange zvakavhurwa muHarare nemusi we, vange vakaronga kuramwa mabasa vechikwata cheTajamuka/Sesijikile vanoti kuramwa mabasa uku kwabudirira sezvo vanhu vakavhundutsirwa nemapurisa nemusi weChitatu manheru.

Vasori nemapurisa vanonzi vakavhunditsirawo vemabhizimisi ichiti yaizovatorera marezenisi kana vasina kuvhura mabhizimisi avo.

Mapurisa ange aine zvombo zvehondo ange akawanda mukati meguta pamwe nemimisha inogara vazhinji zvichitevera kurudziro yekuramwa mabasa yakaitwa neveTajamuka senzira yekuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vagadzirise hupfumi pamwe nekupa vanhu mabasa.

Mumisha yakaita seMufakose, Dzivaresekwa, Hatcliff neGlen Norah vanhu vambopisa mati emotokari mumigwagwa pamwe nekutema makombi ange achitakura vanhu asi mapurisa apindire nekukasika.

Imwe nhengo inoona nezvekufambiswa kwemashoko muchikwa cheTajamuka/Sesijikile, VaSilavanos Mudzova, vaudza Studio 7 kuti pane nenhengo dzavo nhatu dzasungwa nemapurisa

VaMudzova vanoti semaonero avo kuratidzira kwabudirira chose uye mapurisa akarova vanhu mumisha yakaita seDzivaresekwa neKuwadzana neChipiri manheru. VaMudzova varamba mashoko ekuti nhengo dzavo dzakapisa bhazi mumusha weWarren Park vachiti havaite zvemhirizhonga.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa Senior Assistant Commmissioner Amai Charity Charamba sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi ongororo yaitwa neStudio 7 yaratidza kuti zvitoro zvhinji muguta zvange zvakavhura. Mapurisa eSupport Unit pamwe nemamwewo ange akamira munzvimbo dzakawanda uye mamwe ange achitendenderera muguta pamwe nemisha inogara vazhinji.

Mutevedzeri wasachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaGeorge Makoni, vaudza Studio 7 kuti mawandiro ange akaita mapurisa mumigwagwa muHarare aita sekuti ndiwo ange achiratidzira.

Vatiwo muguta mange muine runyararo asi vati zviri pachena kuti vanhu vari kuteerera kurudzira yekuramwa mabasa kusvika zvinhu zvanaka munyika. Veruzhinji vange vaine maonero akasiyana panyaya yekuratidzira vamwe vachizvitsigira vawe vachiti hazvina chiyamuro.

VeTajamuka avo vakatsidza kuti mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kusiya basa musi wa31 Nyamavhuvhu kana vasina kugadzirisa nyaya dzehupfumi vacharamba vachiratidzira kusvika izvi zvaitika uye vari kutsigira hurongwa hwekuratidzira uhwo huri kurongwa nemapato anopiksa pasi pechirongwa cheNational Electoral Reform Agenda kana kuti NERA nemusi weChishanu.

VaHardlife Mudzingwa vanoti zvaitika neChitatu igadziriro yekuratidzirwa kweNERA.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG