Mapato anopikisa ari mumubatanidzwa unozivikanwa nekuti National Electoral Reform Agenda kana kuti NERA anoti ari kuzoenderera mberi nekuratidzira nemusi weChishanu kuti Zimbabwe Electoral Commission ivandudze mitemo yesarudzo kunyangwe mapurisa ari kuti mushure mekuungana vasapinde mukati meguta.
Vanokokera mabasa eNERA VaDidymus Mutasa vebato reZimbabwe People First vakaudza vatori venhau muHarare nemusi weChina kuti vari kutarisira vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi mashanu pakuratidzira kwavo. Vapikawo kuti hapana kudududza pakuratidzira uku.
Asi kunyange hazvo vasina kurambidza mapato aya kuti aratidzire, mukuru wemapurisa paHarare Central, Chief Supritendent Newbert Saunyama, vayambira kuti mapato aya kuti asapinde muguta sezvo vanhu vanenge vakawandisa.
VaSaunyama vatiwo mapato aya akasununguka zvawo kuenda negwaro rawo renyunyuto kuZEC ine mahofisi ari nechekunze kweguta. Vanopikisa ava vachatanga vaungana pedyo neRainbow Towers panozivikanwa kuti Freedom Square nevamwe vasati vafamba nepakati peguta.
VaMutasa vati tsamba yemapurisa haina kujeka uye vaenda kumatare edzimhosva kuti mapurisa asazopindira mukuratidzira uku.
Nekuda kwaizvozvo, VaMutasa vati veruzhinji vanofanira kupinda mumigwagwa vakawanda kuti nyika ikwanise kuita sarudzo dzakachena.
Sachigaro we komiti inoona nezvemutemo muNERA, VaDouglas Mwonzora, vati zvinoshamisa kuti mapurisa anorambidza mapato anopikisa kuratidzira mukati medhorobha asi akabvumidza bato reZanu PF kuita One Million Men mukati mekugata rimwero nguva pfupi yapfuura.
VaMutasa vatiwo sangano reSouthern African Development Community rinofanira kutsigira vanhu vemuZimbabwe kuti nyika ive nesarudzo dzakachena vakati matambudziko ari munyika ese anokonzerwa nekuti nyika haiite sarudzo dzakachena.
Mapato anopikisa munyika haasi kufara nemashandire ekomisheni yeZEC uye anoti haisi kuita basa rayo nemazvo uye inenge inoshanda ichirerekera kubato riri kutonga reZanu PF.
Sachigaro weZEC Amai Rita Makarau vaudza Studio 7 kuti vari kuBotswana uye vanokwanisa kutaura nesu vadzoka neChishanu. Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwe divi ravo.