Accessibility links

Breaking News

VeWOZA neMhuri yaVaItai Dzamara Voratidzira muHarare


WOZA
WOZA

Nhengo dzesangano rinorwira kodzero dzevanhu reWomen of Zimbabwe Arise, kana Woza, dzakaratidzira muHarare nenusi weChishanu dzichiti dzinoda kuti vana vechikoro vadzidze pachena.

Nhengo dzeWoza dzanga dzichidarika mazana matatu dzakaungana pakati pedhorobha dzikaratidzira dzakakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana dzichifamba dzakananga kumahofisi ebazi redzidzo.

Padzakasvika pamahofisi ebazi redzidzo aya, nhengo idzi dzakasvitsa gwaro renyunyuto kumunyori mukuru mubazi iri, Amai Sylvia Masango dzikasiyawo dzamwaya mapepa nezvinyorwa zvadzanga dzakatakura padzanga dzichiratidzira.

Mumwe wevanga vachitungamira kuratidzira uku, Amai Tambudzai Nyamanhindi, vaudza Studio 7 kuti vana vechikoro vanofanira kudzidza pachena maererano nezviri mubumbiro remitemo.

Amai Nyamanhindi vati sevabereki havachada kubhadhara mari dzechikoro kubva iyezvino zvichienda mberi.

Vati hurumende ikasagadzirisa nyaya iyi nekukasika, vachaenda kudare repamusoro-soro reConstitutional Court pamwe nekuUnited Nations.

Izvi zvatsinhirwawo nemumwe muratidziri, Amai Benhilda Mutuvha, avo vanoti chinonyanyorwadza ndechekutiwo mari dzechikoro dzavari kubvisira vana vavo hadzisi kushandiswa kuvandudza dzidzo yemunyika.

Zvichakadaro, Amai Masango vati vachasvitsa gwaro renyunyuto iri kugurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora. VaDokora vaudza Studio 7 parunhare kuti vari kuda kutanga vaverenga gwaro renyunyuto rasiiwa kuhofisi kwavo nenhengo dzeWoza idzi vasati vatura mashoko pamusoro penyaya iyi.

Mapurisa anorwisa mvongamupopoto anga aripo kudzamara kuratidzira uku kwapera asi haana kurova varatidziri ava sezvaakaita nemusi weChitatu neChina apo veTajamuka vairatidzira muHarare.

Mune imwewo nyaya, mhuri yekwaDzamara pamwe neshamwari dzaItai Dzamara uyo akapambwa gore rapera nevanofungidzirwa kuti vasori vakaenda kumahofisi eUnicef kwavakasvitsa gwaro renyunyuto pamusoro pemashoko akaburitswa nesangano iri ekushora kushandiswa kwevana vadiki mukuratidzira kwakaitwa svondo rapfuura pamusoro pekushaikwa kwaItai Dzamara.

Doctor Patson Dzamara munin’ina waVaItai Dzamara avo vanga vachifamba nemudzimai waVaItai Dzamara, Amai Sheffra Dzamara pamwe nevana vake pavaendesa gwaro renyunyuto iri vati vana VaItai Dzamara vanekodzero yekuratidza kusafara kwavo nekupambwa kwakaitwa baba vavo.

VaDzamara nevamwe vasiya gwaro renyunyuto iri kumumiriri weUnicef muZimbabwe VaReza Hossaini. Doctor Dzamara vati vacharamba vachinetsana neUnicef kudzamara sangano iri ragadzirisa mashoko aro.

Mapurisa anga aine marori matatu asvikawo paUnicef panga pachisvitswa gwaro renyunyuto iri asi haana zvaaita sezvo panga paine runyararo.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVaHossaini sezvo vatori venhau varambidzwa kupinda mumahofisi eUnicef nevanochengetedza mahofisi aya.

Kunyunyuta kwaitwa nemhuri yekwaItai Dzamara neshamwari dzake kunouyawo mushure mekunge sangano reTajamuka raenda kumahofisi aya richinyunyuta nemusi weChina.

Vanorwira kodzero dzevanhu munyika vari kushora zvikuru zvakaitwa neUNICERF vachiti iri kurega hurumende ichityora kodzero dzevanhu asi ichishora mhuri yemunhu akatsakatika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG