Accessibility links

Breaking News

Tajamuka Inoti Haisi Kuzorega Kuratidzira Kunyangwe Ikarohwa neMapurisa


Mapurisa anorwisa mvongamupopoto nemusi weChitatu akarova zvakaipisisa nhengo dzeboka revechidiki re#Tajamuka idzo dzainge dzichiratidzira muHarare dzichiti hadzisi kufara nekushaikwa kuri kuita mari mumabhanga pamwe nekuoma kuri kuramba kuchiita zvinhu munyika.

Nhengo dzeTajamuka dzanga dzichisvika zana dzakaungana panosangana migwagwa inoti Jason Moyo na Julius Nyerere padzakatanga kuratidzira dzichiti hadzisi kufara nekushaikwa kuri kuitwa mari mumabhanga, kunonoka kuri kuita hurumende kubhadhara vashandi vayo mari dzemihoro pamwe nekuoma kuri kuramba kuchiita zvinhu munyika. Varatidziri ava vanotivo havasi kufara nenyaya yehurumende yekuda kuparura mari yemabond notes muna Gumiguru.

Varatidziri ava vanga vakatakura maruva nezvinyorwa zvakasiyana-siyana uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Mugabe Chienda Wauraya Nyika”.

Mumwe wevanga vachitungamira kuratidzira uku, VaSten Zvorwadza vati hurumende yaVaMugabe iri kupedzera mari muzvinhu zvisina maturo kunze kwekuti igadzirise matambudziko akatarisana neveruzhinji.

VaSamuel Wadzai avo vanove nhengo yesangano revanotengesera mumigwagwa re National Vendors Union Zimbabwe, vatiwo havasi kufara nechisimba chiri kushandiswa nemapurisa kana vanhu vachiratidzira zvazoita kuti vatsvage mvumo yekuratidzira kudare repamusoro reHigh Court mushure mekunge mapurisa avarambidza kuti varatidzire.

Mutauriri weTajamuka VaPromise Mkwananzi vatiwo kuoma kuri kuita zvinhu munyika hakuchadi kuti veruzhinji varambe vakanyanyara vachiti vacharatidzira zvakasimba kudzamara VaMugabe vabva pachigaro.

Mutungamiri weboka revechidiki muMDC-T, VaHappymore Chidziva, avo vanga vari mumwe wevaratidziri ava vatiwo havasi kufara nekushayikwa kuri kuitwa mabasa munyika.

Varatidziri ava pavanga voda kutanga kufamba kuti vaende kumahofisi ebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe kuti vanosiya gwaro renyunyuto, mapurisa anorwisa mvongamupopoto abva atanga kuvarova zvakaomarara zvaita kuti vaite aziva kwake aziva kwake vamwe vachisiya bhutsu vachitiza apo vange vachiita hushamwari nemhepo.

Vamwe varatidziri vazonhonga matombo vachitema mapurisa anga achivarova aya. Mapurisa ashandisawo hutsi hunokachidza pamwe nekumwaya varatidziri ava nevanhu vanga vachizvifambirawo zvawo mvura inovava zvamboita kuti zvimwe zvitoro zviri pakati pedhorobha zvimbovharwa kwechinguvana.

VaMkwananzi vaudza Studio 7 mushure mekuratidzira uku kuti pane varatidziri vanodarika gumi nevashanu vakuvara zvakaipisisa. Vamwe vevakuvara ava ndiVaLovemore Chinoputsa vanove munyori muboka revechidiki muMDCT pamwe nemutori wenhau anoshanda akazvimirira, James Jemwa, uyo aendeswa kuchipatara mushure mekukuvadzwa musoro kwaaitwa nemapurisa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano rinoona nezvevechidiki reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, kana kuti Yidez, VaSidney Chisi, vanoti chisimba chashandiswa nemapurisa chinoratidza kuti hurumende yaVaMugabe yavekutya vanhu vakaiisa pachigaro.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commisoner Charity Charamba vaudza Studio 7 kuti vange vari mumusangano nekudaro vange vasingakwanise kupa divi remapurisa panyaya iyi.

Asi hurumende kuburikidza nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, mukuru wemauto General Constanntine Chiwenga uye mukuru wemapurisa, Police Commissioner General VaAugustine Chihuri vakati havasi kuzotendera vanhu kuratidzira kunyangwe hazvo bumbiro remutemo richiti vanhu vanokwanisa kuratidzira murunyararo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG