Vagari vedhorobha reMasvingo vabatana nekanzuru yavo kupikisa danho rakatorwa negurukota rinoona nezvekutongwa kwematunhu VaSaviour Kasukuwere nevechidiki ve Zanu PF rekutora nechisimba nzvimbo yekupa vechidiki vebato ravo pekuvakira dzimba vachiti izvi hazvisi pamutemo.
Vagari vemuMasvingo vanoti havasi kufara nedanho raVaKasukuwere vachiti ivo vave nemakore akawanda vachiforera dzimba kana kuti housing waiting list asi vasati vawana nzvimbo dzekuvakira dzimba. MuMasvingo chete mune vanhu vanodarika zviuru makumi matatu.
Munyika yose vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri vave nemakore vachiforera dzimba. Muzvare Netsai Matowo vemumusha wekwaMajange vanoti zviri kuitwa naVaKasukuwere zvinodza moyo.
“Izvi zvinoshungurudza moyo yedu nekuti tave nemakore akawanda anosvika matatu takangomirira kuti tiwane mastands asi toshamisika tichiona mumapepa kuti Zanu-PF yakuuya kuno kuzotora nzvimbo yekupa vechidki vayo. Ko isu tisingaite zvemaparty asi tiri zvizvarwa zvenyika tichaitasei.” Vanodaro Muzvare Matowo.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mumusangano reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance (MURRA) , VaAnoziva Muguti vashora Zanu-PF nekuda kutyora mitemo yenyika nekuda kufadza vatsigiri vayo.
“Isu sevagari veMasvingo hatitombodi kuzvihwa izvozvo zvekuti vematongerwo enyika vanouya vachishandisa simba ravo kutora mastands. Tinoda kuti vanhu vanowana vave vaye vakanyoresa vakaiswa pa waiting list zviri pamutemo, hatidi zvekuti munhu anopuwa nekuti anobva kubato ripi rematongerwe enyika.” VaMuguti vakadaro.
Mumwe wevatungamiriri weZanu PF Youth League muMasvingo VaTalent Majoni vati zviri kutaurwa nevagari pamwe ne kanzuru hazvina maturo ose uye vachaenderera mberi nokutora mastands aya.
“Chokutanga ndotenda VaMugabe ne hurumende yavo nekuti vechidiki vapuwe mastands. Vadiki vakashaiwa minda pakugohwewa kweminda saka iye zvino vavekupuwa mastands saka tofara, zvirikutaurwa nameya ne veresident’s associaition tinoti kuhukura saka vanofanira kunyarara.”
Asi kanzura weWard 4 muMasvingo, VaGodfrey Kurauone vati kanzuru yavo haina pekupa VaKasukuwere nevechidki vavo pekuvakiira dzimba vachiti munhu wese anofanira kutevedzera mutemo.
“ Isu seguta reMasvingo hatina land yekupa Zanu PF kana musangano upi wezvematongerwe we nyika. Sekanzuru tine mutemo wekuti kana munu achida stand anopinfda mumutsetse wekumirira saka vose vanoda vanofanira kutevedzera mutemo.” Vakadaro VaKurauone.
Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVaKasukuwere avo varikufamba nyika yose vachipa vechidiki veZanu-PF nzvimbo dzekuvakira dzimba. VaKasukuwere vakatoenda kwaMutare, Harare uye Chinhoyi.
Vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti izvi zviri kuitwa nechinangwa chekuda kutsvaga rutsigiro musarudzo dza2018. Vamwe vanoti VaKasukuwere vari kutsvagira rutsigiro kuchikwata chavanonzi vanodyidzana nacho mubato reZanu-PF chinonzi Generation 40.
Chikwata ichi chiri kunetsana zvakasimba nechimwe chinonzi Team Lacoste chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.