Nyaya yekumboenda muhupoteri kwaPastor Evan Mawarire yapa maonero akasiyana munyika vamwe vachiti vakaita zvakanaka asi vamwe vachiti vasiira chimurenga panzira.
Pastor Mawarire vari kushanya muAmerica pari zvino umo vari kuita misangano. VaMawarire avo vakatanga chirongwa cheHash Tag This Flag vakabuda munyika mushure mekumbosungwa vachinzi vaida kupandukira hurumende vakamboenda kuSouth Africa.
VaMawarire vanoti nzendo dzekuSouth Africa neAmerica dzakagara dzarongwa vasati vabuda munyika.
VaMawarire vange vari muAtlanta Georgia uye vanenge vari pamuzinda weVoice of America nemusi weChitatu muWashington DC. Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vave kugara vachivashorawo VaMawarire vachiti vari kuda kukanganisa magariro evanhu munyika.
Ko kumbobuda munyika kwaVaMawarire kunorevei? Vaimbova kanzura muHarare VaWarship Dumba vari kushora kumbobuda munyika kwaPastor Mawarire.
Mumwe mugari wemuHarare VaWisdom Mugari vanotiwo VaMawarire vakakanganisa nekukurumidza kubuda munyika.
Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu VaDzikamai Bere vanoti havaone chakaipa pane zvakaitwa naVaMawarire vachiti mumwe anorwira kodzero dzevanhu VaItai Dzamara vakatsakatika mushure mekutora nzira yofambwa naVaMawarire.