Accessibility links

Breaking News

Muzvare Linda Masarira Voramba Vari muJeri kuChikurubi Vamwe Vachiratidzira Panze peDare


Linda Masarira, supporters.
Linda Masarira, supporters.

Vamwe vanhu vane chitsama vakaratidzira panze pedare raMajastiriti kuMbare nemusi weChina vachigunun’una nekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuri kuitwa muzvare Linda Masarira vesangano reWomen in Politics Alliance.

Muzvare Masarira vari mujeri remadzimai reChikurubi Maximum Prison vakamirira kutongwa pamhosva dzakawanda dzavari kupomerwa.

Gweta raMuzvare Masarira reZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti haasi kufara zvachose nekunonoka kunzwikwa kwenyaya dzavari kupomerwa.

Gweta iri, VaKudzai VaKadzere veZimbabwe Lawyers For Human Rights vari kumirira Muzvare Linda Masarira pamwe nevamwe vanorwira vekodzero dzevanhu gumi nevana vakasungwa musi wa 6 Chikunguru pakuratidzira kwainge kwakarongwa nesangano reTajamuka/Sesijikile Campaign pamwe naPastor Evan Mawarire veHash Tag This Flag.

VaKadzere vari kugunun'una nekunonoka kunyorwa kwemagwaro ezvakaita mudare redzimhosva pamwe nemhosva yavari kupomerwa.

VaKadzere vaudza Studio 7 kuti kusavapo kwemagwaro aya anozivikanwa pachirungu kuti Transcription of the record of proceedings ndiko kwavamisa kuti vaende kudare repamusoro reHigh court kuedza kuti Muzvare Linda Masarira vatongwewo vachibva kumba.

Vamwe vari kutongwa pamwe naMuzvare Masarira vari kutongwa vachibva kumba mushure mekubhadhara mari yechibatiso kudare. Muzvare Masarira vari kutongwa vachibva kujeri reChikurubi sezvo vachinzi vane imwe mhosva yavari kupomerwa kwaMutare.

Dare rakaramba kupa mvumo Muzvare Masarira yekuenda kwaMutare kunogadzirisa nyaya yegwaro iri rakakonzera kuti vanyimwe mari yechibatiso.

VaKadzere vanoti vachaongorora nyaya yekuti Muzvare Masarira vanonzi havasi kunzwa zvakanaka havasi kuwana mimwe mishonga yavanoda vari muhusungwa.

Shamwari yaMuzvare Masarira, Muzvare Mandowa Manezhu vaudza Studio 7 kuti Muzvare Masarira vari kurwara vakatiwo tariro yavo yange iri yekuti vatongwe vachibva kumba sevamwe.

VaElvis Mugari vebato rinopikisa rePeople Democratic Party ndemumwe wevange vari kuMbare. Vati nyaya yekuramba Muzvare Masarira vari mujeri ichavapa kuti vatange kuratidzira.

Mutongi wedare VaStan Mambanje vazivisa muchuchusi kuti agadzire magwaro ari kudiwa aya vakati Muzvare Masarira nevamwe vavo vachadzoka kudare musi wa 25 Nyamavhuvhu pachatanga kutongwa nyaya yavo.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG