Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakarwa Hondo Vopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso Asi Vamwe Vachisungwazve


Dare ramejasitiriti nemusi weChitatu rakatura mutongo wekuti vatungamiri vana vesangano revakarwa muhondo yerusunguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vabude muhusungwa mushure mekubhadhara chibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekuzvidza nekutuka mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Mutongi wedare, VaVakayi Chikwekwe ndivo vakatura mutongo wekuti mutevedzeri wasachigaro wesangano iri, VaHeadman Moyo, munyori mukuru musangano iri, VaVictor Matemadanda, mutevedzeri wasachigaro mupurovhinzi yeHarare, VaHoyini Samuel Bhila pamwe naVaFrancis Nhando vabuditswe muhusungwa mushure mekubhadhara madhora mazana matatu pamunhu wega wega semari yechibatiso.

Vatatu ava vanzi vazvipire kumapurisa kaviri pasvondo uye kuti vagare vachiramba pakero dzavakanyoresa kudzamara nyaya iyi yapera kutongwa.

Mukunzwikwa kwenyaya iyi, rimwe remagweta evasungwa ava, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza dare kuti havasi kufara nemabatirwo avakaitwa nemapurisa sezvo vachiti vaitadza kuona vanhu vavari kumiririra ava sezvo mapurisa kumakamba kwaive nevasungwa ava achinzi aida tsamba kubva kumapurisa eLaw and Order inovapa mvumo yekumiririra vasungwa ava.

Amai Mtetwa vazivisawo dare kuti vachakwikwidzawo pachadzoka nyaya iyi mudare kunyimwa kwavaiitwa mapepa ekupomera vasungwa mhosva segweta riri kumirira vasungwa.

Vatiwo zvakare imwe nyaya yavachakwidza kudare inyaya yekuti vakafanobata chigaro chegweta guru rehurumende, VaRay Gova, havana masimba ekusaina magwaro ekuti vanhu vamiswe mumatare.

“Muchuchisi mukuru wehurumende haana kugadzwa zviri pamutemo nekuti anofanira kugadzwa nezvinoitwa vatongi vematare epamusoro saka nokudaro tinoda kuti matare atarise kuti VaGova vane kodzero here yekusaina mapepa anoita kuti vasungwa vamiswe pamatare”

Amai Mtetwa vatiwo pane vamwe vaiva vari muhondo yerusunguko vaviri vasungwa zvakare pamatare edzimhosva.

“Vasungwa ava vazoburitswa muhusungwa uye mapurisa ati kana achizovada achatumira masamanisi ekuti vauye. Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa nekuti mutemo wekuti munhu ange amire pamberi pedare unoti munhu anosungirwa kunge amiswa pamberio pedari mukati memamawa makumi mana nemasere asi dzimwe dzenguva hapana zvakawanda zvinenge zvichiitwa nemapurisa ayo anenge apedza kugadzira mapepa avo kuti munhu. Nokudaro, inyaya yatichakwidza zvakare kuti iwongororwe." Amai Mtetwa vakaudza Studio 7.

Zvichakadaro nemusi weChitatu, mapurisa akasungazve vamwe varwi vehondo vaviri vanoti Karren Kazingizi naElphas Mudzimunyi. Vaviri ava vari kupomerwa mhosva imweyo yekutuka mutungamiri wenyika.

Vakarwa muhondo yerusunguko vari kusungwa vachipomerwa kuzvidza pamwe nekutuka mutungamiri wenyika mushure mekunge sangano ravo raburitsa gwaro mwedzi wapera raikurudzira kuti VaMugabe vagadzirise zviri kunetsa munyika pamwe nemararamiro evaimbova varwi muhondo yerusunguko.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG