Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvopedza Zvidzidzo muAmerica Zvotarisira Kusangana naVaObama


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Vechidiki veZimbabwe neve kune dzimwe nyika dzemu Africa vari muchirongwa cheMandela Washington Fellowship kana kuti YALI vapedzisa zvidzidzo zvavo kuzvikoro zvepamusoro soro zvakasiyana siyana muAmerica.

Vechidiki ava vave kutarisirwa kudzokera kunyika dzavo svondo rinotevera mushure mekusangana nemutungamili wenyika yeAmerica VaBarack Obama. Kubva kuZimbabwe kune vechidiki vanosvika makumi matanhatu vange vari muchirongwa ichi.

Vakapedza zvidzidzo zvavo kuchikoro cheWilliam and Marry University kuVirginia vanobva kuZimbabwe nemusi ndiVaAbel Chemura, VaTerry Mutsvanga naMuzvare Tinashe Mutsonziwa.

Vatatu ava vanoti vakadzidza zvakawanda zvakanangana nehutungamiri hwejekerere, kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu nezvimwe zvakawandawanda.

VaMutsvanga, avo vanorwira kodzero dzevanhu vachishandisa mafirimu avanogadzira vanoti vavhurwa maziso pane zvakawanda.

Vanoti zveZimbabwe inofanirwa kusimbisa nyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Vachemura, avo vanova mudzidzisi kuChinhoyi University of Technology, vanoti vadzidzawo zvakawanda.

Mumwe wechitatu muzvare Tinashe Mutsonziwa vanorwirawo kodzero dzevanhukadzi uye vanoshanda neafrican union.

Vachitaura pakupedza zvidzidzo zvavo Muzvare Mutsonziwa vakati vechidiki vanofanirwa kurwira kodzero dzavo sezvo vari ivo musimboti webudiriro neremangwana.

Nyaya Ina Ntungamili Nkomo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG