Amai Hillary Clinton nhasi vari kutarisirwa kutaura pagungano reDemocratic Convention kuPhiladelphia. Amai Clinton ndiwo mudzimai wekutanga kusarudzwa kuti vamirire bato guru musarudzo dzemutungamiri wenyika mAmerica.
Sarudzo idzi dzichaitwa muna Mbudzi pakati paamai Clinton uye shoroma iri kumiririra bato remaRepublicans VaDonald Trump. Nezuro vakuru vakuru vebato remaDemocrats vakataura mashoko pagungano iri ekuti vanhu vavhotere Amai Clinton.
Vakataura vanosanganisa mutungamiri wenyika yeamerica VaBarack Obama avo vakatambirwa nemufaro mukuru.
VaObama vakati munhoroondo yeAmerica, hakuna murume kana mudzimai akapinda muhofisi yekutungamira nyika akagadzirira saAmai Clinton.
Vamwe vakataura pagungano ranezuro mutevedzeri wavaobama VaJoe Biden avo vakashorawo vaTrump.
Vaimbova meya weNew York VaMichael Bloomberg vakataurawo pamusangano uyu uye vakashowaro VaTrump zvakanyanya.
Mutevedzeri waAmai Clinton VaTim Kaine vakatiwo VaTrump vanongovimbisa zvinhu pasina gwara rekuti vachaita sei kugadzirisa zvavanoti zviri kunetsa.
Amai Chioneso Mpofu chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica vanoti kusarudzwa kwaAmai Clinton kwakakosha kusimudzira mwanasikana.