Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri weMutungamiri weBato remaRepublicans VaMike Pence Votaura paMusangano Mukuru weBato Iri.


VaTrump naVaPence
VaTrump naVaPence

Gavhuna weIndiana VaMike Pence avo vakasarudzwa kuti vave mutevedzeri wemutungamiri webato remaRepublicans, VaDonald Trump vari kutarisirwa kutaura manheru ano pamusangano wemaRepublicans we Republican National Convention ku Cleveland, Ohio.

VaTrump vari kukwikwidzana naAmai Hillary Clinton vebato remaDemocrats. Anenge akunda musarudzo dzemuna Ndira idzi ndiye achato ra chigaro chekutungamira nyika yeAmerica kubva kuna VaBarack Obama.

VaPence vari kutarisirwa kuti vaudze America kuti sei ivo naVaTrump vachifanira kupihwa mukana wekutungamira nyika yeAmerica. VaPence vane makore makumi mashanu nemanomwe ekuberekwa. VaPence vari kutarisirwa kuudza vanhu kuti VaTrump vakakunda musarudzo vachabatsira zvikuru America kuti ive nebudiriro.

VaTrump vakakwanisa kukunda vanhu vanosvika gumi nevatanhatu vainge vachikwikwidza kumirira maRepublicans musarudzo idzi. Vamwe vakakundwa musarudzo idzi vanosanganisa gavhuna weWisconsin VaScott Walker uye Senator Ted Cruz vekuTexas naSeneta wekuFloria VaMarco Rubio vari kutarisira kutaurawo pamusangano wanhasi.

Vamwe vakataura pamusangano uyu nezuro vanosanganisa gavhuna weNew Jersey VaChris Christie uye mutauriri wedare reHouse of Assembly VaPaul Ryan.

Amai Clinton vari kutarisirwa kusarudzwa zviri pamutemo pamusangano webato ravo uri kuitwawo svondo rinouya. VaTrump vachatambira kusarudzwa kwavaitwa nemusi weChina mangwana.

Zvichakadaro, mazana nemazana evanhu vari kuratidzirawo kumusangano wemaRepublicans vachiti havasi kufara negwara riri kutorwa naVaTrump. Vanhu ava vanoti VaTrump vari kuda kupa kuti munyika muite kusawirirana zvikuru nyaya yavo yekushora vechitendero chechiMuslim.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica VaAdmonish Deda avo vari kutevera zviri kuitika vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro akakwana zviri kutya kudzoserwa kumusha sezvo VaTrump vari kuti vachaomesera vanenge vasina magwaro akakwana.

Hurukuro naVaAdmonish Deda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG