Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokundikana Kupa Varimi Zvibatiso


Kunyange hazvo hurumende ichiti iri kuedza kusimudzira mabasa ekurima munyika nekupa magwaro kana kuti mapemiti em99 year lease anoita kuti varimi vakwanise kukwereta mari yekurimisa kumabhanga, zvakabuda mumusangano wekufambiswa kwemashoko muchirongwa chehurumende che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation kana kuti Zim Asset zvinoratidza kuti hurumende ichiri kutatarika kuita izvi.

Kushaya magwaro aya kunonzi kuri kudzorera kumashure nyaya yekusimudzira mabasa ekurima.

Mumashoko avo pamusangano wainge wakarongwa nehofisi yemutungamiriri wenyika nedare remakurukota kuzeya chirongwa cheZim Asset, mumwe mukuku mubazi rezvekurima, VaCollin Kabudura, vakati kusvika pari zvino hurumende yapa ma99 year lease matatu chete kuvarimi vemapururazi makuru kana kuti A2 kunyange hazvo yange iine hurongwa hwekuti ingadai yapamazana naviri panguva ino.

VaKabudura vakatiwo apo hurumende yange yakaronga kuti ingadai yapamapemiti churu nemazana mashanu kuvarimi vemumapurazi madiki kana kuti A1, kusvika pari zvino yapa mapemiti zana nemakumi maviri nerimwe chete.

Hurumende haina mari yekutsigira varimi uye vanoti kushaikwa kwemapemiti aya nemalease kunoita kuti varimi vatadze kukwereta mari yekuita mabasa avo izvi zvave kuita kuti nyika ishaye chikafu chakakwana.

Izvi zvinouya panguva iyo nyika yakatarisana nenzara inotyisa uye iri kushandisa mari inodarika mamiriyoni mazana mashanu kutenga chibage kubva kunyika dzakaita seSouth Africa, Zambia, Mexico neUkraine.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Manyanya, vanoti kunyange hazvo vanhu vakapihwa minda makore gumi nematanhatu apfuura havagoni kushandisa mari dzavo kusimudzira minda iyi sezvo vasina magwaro anoratidza kuti minda iyi ndeyavo.

Vaimbove gurukota rezvemari, VaTendai Biti vanoti zviri pachena kuti hurumende haikoshesi mabasa ekurima uye ndosaka nyika ine nzara.

Vanotiwo pane vanhu pamwe nemakambani akawanda anoda kurima asi haagoni kushandisa mari dzavo paminda inogona kutorwa nguva ipi zvayo.

Svondo rapfuura mumiriri wesangano reEuropean Union muZimbabwe, VaPhilipe Van Damme, vakati Zimbabwe inogona kurima zvirimwa zvakawanda zvekutengesa kuEurope asi vakati iri kutadza kuita izvi nekuti vanhuwo zvavo nemakambani havadi kuita izvi pasina magwaro echibatiso.

Gurukota rinoona nezvekurima, VaJoseph Made, vakaudza vekunze kuti vanofanira kushanda nezviripo vachiti nyaya yekuda kuita gakava nekutorwa kweminda yakapera kare uye hapana kudzokera kumashure.

Zimbabwe iyo yaionekwa sedura renyika dzekuchamhembe kweAfrica yakatora minda kubva kuvachena muna 2000 asi zvinhu munyaya dzekurima hazvina kuzomira zvakanaka nekuda kwekushaya mari yekutenga zvekurimisa nekusanaya zvakanaka kwemvura.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG