Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yotatsurana neTajamuka


VaPromise Mkwananzi
VaPromise Mkwananzi

Chirongwa chekusaenda kumabasa neChitatu icho chakarongwa nechikwata che Hash Tag This Flag, Tajamuka pamwe nemasangano akasiyana siyana vachishambadza mashoko padandemutande re Facebook, Whatsapp ne Twitter, chiri kutambirwa nenzira dzakasiyana siyana.

Varongi vechirongwa ichi vanoti vakabudirira zvikuru, sezvo veruzhinji vakaratidza kusafara kwavo nehurumende iri kutonga. asi vamwe vanoti zvakaitika nezuro zvakadzosera shure hupfumi hwenyika.

aGadzira Chirumhanzi, nhengo yeZanu-PF inoongorora zvematongerwo enyika vanoti kuratidzira kwanezuro kwakakanganisa zvikuru nyaya dzezvehupfumi. Asi VaPromise Mkwananzi, mutauriri wechikwata che Tajamuka vanoti hapana hupfumi hunemusoro huri munyika.

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi naVaGadzirai Chirumanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG