Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voratidzira muHarare, Mhirizhonga Ichiitika kuMisha yeVazhinji


Mapurisa nemusi weChitatu akarwisana nevagari vemumisha inogara vazhinji muHarare asi kurwisana uku kwange kwakanyanya mumusha weMufakose uko vagari pamwe nevana vechikoro vamuka vachivhara migwagwa nematombo, matanda nezvimwe pamwe nekupisa matayi edzimotokari mumigwagwa vachitsutsumwa nehutongo hwemutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe pamwe nematambudziko avakatarisana nawo.

Mapurisa akasunga vagari vakawanda vanosanganisira vatori venhau mukuratidzira uku uye vatori venhau vazoburitswa mushure mekudzimiswa mifananidzo yekuratidzira uku nemapurisa paMarimba Police Station. Vamwe vakasungwa vanosanganisira vana vange vaine makore gumi nematanhatu.

Vana vechikoro vakawanda vakapinda mukuratidzira uku sezvo zvikoro zvange zvakavharwa nekuda kwekuti varairidzi havasi kuenda kubasa sezvo vari kuramwa mabasa nekuda kwenyaya yekusapihwa mari ye mihoro yavo nenguva.

Kuratidzira uku kwakatanga panguva dzeku mafaifi mangwanani uye vemakombi nevanhuwo zvavo vakatadza kufamba sezvo migwagwa yose yange yakavharwa. Vashoma vakamboda kuenda kumabasa vakatadza kuenda kubasa sezvo kwange kusina makombi.

Vamwe vange vakaronga kuratidzira uku veTajamuka vakazotanga kuimba vachiti vanoda kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vagadzirise zvichemo zvavo.

Mapurisa akabva atanga kurova nekutandanisa vanhu achipotsera hutsi hunokachidzwa pamwe nekuvhara zvitoro nemisika mishoma yange yakavhura nhasi.

Mapurisa azopindawo mudzimba achirova nekusunga vese avo ange achifungidzirwa kuti vange varatidzira nhasi.

VaHardlife Mudzingwa veTajamuka vanoti kuratidzira kwavo kwabudirira kunyange hazvo pasungwa vanhu vanechitsama.

Vakafaanobata chigaro chasachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaGeorge Makoni vanoti kuratidzira uku kunoratidza kuti vanhu vayaura nenhamo uye vave kuti kusiri kufa ndekupi. Vanotiwo chimwe chavafadza ndechekuti vana vechikoro vapindawo mukuratidzira uku.

Zvichakadaro zvinhu zvichakaita manyamamire nerongo mumisha mizhinji muHarare sezvo kuratidzira uku kunotarisirwa kuenderera mberi nhasi manheru.

Patakaenda pamhepo mapurisa ange ari kutenderera munzvimbo zhinji uye vakuru veTajamuka vanoti vange vari kutyisidzirwa nevanhu vange vachifona nefoni dzisina manhamba vachipomherwa mhosva yekukonzera mhirizhonga pamwe nekuzvidza mutungamiriri wenyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG