Accessibility links

Breaking News

Vanhu Zana neMakumi Masere neVana Vosungwa neMapurisa neNyaya yeKuratidzira


Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti vanhu vanodarika zana negumi nevatatu kubva kumisha yevazhinji yakaita seEpworth neMabvuku vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare ramejastiriti nemusi weChitatu.

Pavanhu ava vanhu makumi mashanu nemumwe vanobva kuEpworth vanhu makumi mashanu mashanu nemaviri vachibva kuMabvuku. Vanhu ava vanova varume vose vakasungwa nemusi weMuvhuro uye vari kuHarare Central Police station uye vari kutyora mutemo weCriminal Law and Codification Act Chapter 9; 23.

Izvi zvinotevera kuratidzira kwevemakombi avo vaiti mapurisa ari kuita zvehuori uye vanoti havasi kufara nemari dzavanonzi vanofanira kubadharisa faindi yemadhora mazana maviri vakatakura vanhu panzvimbo isina kutarwa.

Zimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti ratumira chikwata chemagweta chinosanganisa vaTrust Maanda,vaJeremiah Bhamu nava Gift Mtisi kuti vabatsire vanhu ava.

Mumwe munhu anonzi akakuvara uye ari muchipatara. Izvi zvauyawo panguva iyo vamwe vanhu gumi nevanomwe vamiswa pamberi pedare neChipiri kuBeitbridge vachipomerwawo mhosva imweyo.Vamwe vanhu makumi manomwe nemumwe vakasungwa.

Izvi zvinotevera kuratidzira kwakaitwa nevamwe vanhu kuBeitbridge nemusi weChishanu.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vamboudza Studio 7 kuti vanhu vanodarika makumi mapfumbamwe nevana vakasungwa nemapurisa.

XS
SM
MD
LG