Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yopararira muZimbabwe Sezvo Vanhu Voomerwa neHupenyu


Mapurisa eZimbabwe Republic Police
Mapurisa eZimbabwe Republic Police

Zvinhu zvinonzi zvafuma zvakaita manyama amire nerongo muHarare nenzvimbo dzakapoteredza sezvo vemakombi nevanhuwo zvavo vari kurwisana nemapurisa.

Zvinonzi pane bata murefu bata mupfupi munzvimbo dzakaita seHatfield, Epworth, Ruwa, Zimre Park, Mabvuku neTafara. Vanhu vakawanda vanonzi vatotadza kuenda kumabasa nekuda kwekurwisana uku. Mapurisa ari kukandira vanhu hutsi hunokatyidza uku vanhu vachikanda matombo.

Mumwe mudzimai achema kwazvo mushure mekunge murume wake asungwa nemapurisa mangwanani mumhirizhonga yaitika muHarare iyi.

Mukati meguta chaimo vanotengesa mumigwagwa vachitungamirirwa naVaStan Zvorwadza varatidzira vachitsutsumwa nehutongo hwemutungamiriri wenyika,VaRobert Mugabe, pamwe nekutambiswa kuri kuitwa mari nehurumende iyi.

VaZvorwadza vati vanotsigira, kuratidzira kwaitwa nevemakombi nhasi vachiti mapurisa ari kubira veruzhinji nekumira pese pese achibhadharisa vanhu mafaindi asi mari yacho isingasvika kubazi rezvemari.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissionor Charity Charamba vaudza vatori venhau kuti vasunga vanhu vanodarika makumi matatu uye vayambira vese vari kufambisa mashoko ekukurudzira vanhu kuti varatidzire padandemutande reWhatsApp neFacebook nezvimwe kuti vachasungwa sezvo izvi zvisingabvumidzwe pamutemo.

Vati zvese zvange zvichiitwa zvekurambidza vanhu kuenda kubasa pamwe nekurambidza mabhazi anotakura vanhu kana kuti makombi nemotokariwo zvadzo zviri kunze kwemutemo uye mapurisa acharamba ari mumigwagwa kuona kuti hapana anovhiringangidza vanhu.

Amai Charamba vati kunyange hazvo mapurisa aderedza huwandu hwema roadblock, ma roadblock acharamba aripo sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Vati kumira mumigwagwa kunoitwa nemapurisa inzira yekuchengetedza runyanyaro pamwe nekudzivirira vaye vanoda kukonzera mhirizhonga.

Mapurisa anodzivirira nyonganyonga aenda nemotokari dzavo dzekudzivira nyonganyonga kana kuti ma Water Cannon kumisha yeMabvuku, Ruwa neEpworth akakandawo hutsi hunokachidza apo vanhu vange vari kurwisana nemapurisa.

Kunyange hazvo kuratidzira uku kwaitwa kuRuwa, Mabvuku neEpworth vanoziva zviri kuitika vaudza Studio 7 kuti kuchapararira neguta rese kutanga nemusi weChipiri, uye kune mamwe madhorobha kune hurongwa hwekuratidzira zvikuru sei nezviri kuitwa nemapurisa, kushaikwa kwemabasa, kushaikwa kwemari pamwe nekuoma kwehupenyu.

Vashandi vehurumende, avo vasati vapihwa mihoro yavo yemwedzi wapera vari kutanga kuramwa mabasa neChipiri.

Kuratidzira uku kuri kuuya kunyangwe vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF vari gurukota rezvematunhu VaSavior Kasukuwere vakayedza kutyisidzira vanhu vanoratidzira nekuita zvemhirizhonga.

Izvi zvakatevera kuratidzira kwakaitika kuBeitbridge nemusi weChishanu vanhu vachiramba kutambira chirongwa chehurumende chekurambidza kupinda munyika zvimwe zvinhu zvinotengwa nevanhu kuSouth Africa nemutengo wakaderera zvozotengeswa muZimbabwe.

Vanhu makumi manomwe nemumwe vakasungwa.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG