Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveKucherwa kweZviwanikwa Rotadza Kuudza Paramende Kuti Mari yeMangoda Iri Kufamba Sei

Munyori mukuru mubazi rezvezviwanikwa muzvinafundo Francis Ngudyanga nemumwe mukuru munyaya yekucherwa kwemangoda kwaMarange nemusi weMuvhuro vakakundikana kutsanangura kuti mari iri kucherwa mangoda imarii uye iri kuenda kupi.

Muzvinafundo vainge vadaidzwa kuzopa humboro kukomiti inooona nezvezviwanikwa iri kuongorora mashandiro ekambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Mining Company kana kuti ZCDC.

Kambani iyi yakaumbwa mushure mekunge makambani ange achichera mangoda kwaMarange atorerwa marezinesi nehurumende nenyaya dzehuwori nezvimwe zvikonzero. Makambani aya anosanganisa Marange, Anjin Investments, Diamond Mining Company, Jinan, Kusena, Marange Resources ne Mbada Diamond.

Komiti yeparamende iyi yakatanga nekubvunzurudza vakafanobata chigaro chemukuru wekambani iyi VaRidge Nyashanu uye munyori mukuru mubazi Muzvinafundo Gudyanga.

Nhengo dzedare reparamende dzakaratidza kusafara nekutsamwa kwakanyanya nemampindurirwo aiitwa mibvunzo nevarume vaviri ava. Paramende yakatiwo ongororo yayo yakaratidza kuti kambani iyi iri kuitawo zvinhu zvisiri pamutemo.

Sachigaro wekomiti yeparamende iyi, VaDaniel Shumba vakati apo nyika iri kunetseka nekushaya mari, veruzhinji munyika vanotarisira kuti kutengesewa kwemangoda kungadai kuchiiunza mari munyika.

Asi vati zviri pachena kuti zvichiteverwa kumiswa kwemakambani aichere mangoda kwaMarange, kambani yakaumbwa nehurumende kutora basa iri yeZCDC inenge isina kuumbwa zviri pamutemo uye kusvika pari zvino nyika iri kutowana mari shomanana kubva kumangoda izvo zvisingabatsiri nyika.

Komiti yati VaNyashanu varatidza kuti havana kana chavari kuziva pane zviri kuitika mukambani iyi ikati vanenge vakapinzwa basa nechikiribidi.

VaNyashanu vati hapana chakanyanya chiri kubuda kubva kwaMarange uye kusvika pari zvino kambani iyi yakwanisa kupa hurumende miriyoni yemadhora chete.

Asi mushure mekutadza kupindura mibvunzo yakawanda komiki iyi yati VaNyashanu vazodzoke zvekare vagadziririra.

Komiti iyi yazobvunzurudzawo VaGudyanga avo vanove sachigaro wekambani iyi, zvakare vari sachigaro wekambani yeMinerals Marketing Corporation of Zimbabwe. Zviri kuitwa naVaGundyanga zvekutora zvigaro zvose izvi zvinonzi nemagweta hazvisi pamutemo.

VaGundyanga vatadza kutsangurawo mashandiro ekambani iyi izvo zvisina kufadza nhengo dzekomiti iyi dzikavaudza kuti vari kutamba nebasa uye kuzvidza dare reparamende.

VaProsper Mutseyami imwe nhengo yekomiti iyi vari nhengo dzeMDC-T vasina kufara nekutadza kupindura mibvunzo kwange kuchiitwa naVaGudyanga pamwe naVaNyashanu.

VaMutseyami vaenderera mberi vachiti zvinyadzisa kuti VaGudyanga vanotadza kupindura mibvunzo asi ivo vaive munyori mukuru webazi rezvicherwa panguva inonzi nemutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe pakashaikwa mari inodarika mabhiriyoni gumi nemashanu yemangoda kwaMarange.

Asi vagudyanga vati hurumende yave kutoongorora nyaya yekutsakatika kwemari iyi. VaGudyanga vati vanofunga kuti kubatanidzwa kwemakambani anochera mangoda kuchabatsira nyika uye vati vasingafairiri izvi ndivo vari kuzvipikisa. Vatiwo kambani yeZCDC haisati yave kunyatsoshanda sezvo pane mamwe makambani aichera mangod akaita seMbada neAnijn akaenda kumatare edzimhosva.

VaGudyanga vati kambani iyi iri kuchera mangoda kubva kumugodhi waicherwa neMarange Resources pamwe neMDC.

Vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti negurukota rezvehupfumi parizvino VaPatrick Chinamasa vakagara vachichema chema kuti hapana mari yakawanda iri kubva mukutengeswa kwemangoda aya.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG