Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga yezveMatongerwo eNyika Yotangazve


Hon Jessie Majome
Hon Jessie Majome

Mumiriri weHarare West mudare reparamende uye vari mukomiti yezvemitemo, Muzvare Jessie Majome neChishanu vakanyora tsamba kumunyori nemutauriri wedare reparamende vachigunun’una nenyaya yemhirizhonga yoitika apo nhengo dzedare reparamende dziri kutenderera munzvimbo dzakasiyana siyana dzichinzwa pfungwa dzevanhu nezvebhiri rekutongwa kwematunhu.

Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vanonzi vakavimbisa kuti vachona kuti mhirizhonga iyi yamira.

Muzvare Majome vanoti vane humbowo hwakasimba hwekuti vechidiki veZanu-PF vari kurova vanhu vanenge vaenda kunopa pfungwa dzavo kukomiti inoona nezvematunhu mudare reparamende. Vanotiwo vari kuda kuti kana naivo vachengetedzwe nekuti vave kutyira hupenyu hwavo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu-PF sezvo mutauriri webato iri VaSimon Khaya Moyo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Nemusi weChishanu kuHighfiled kwakaitika mhirizhonga uye kuRainbow Towers kwakaitawo mhirizhonga nemusi weChina apo nhengo dzedare reparamende dzinzwa pfungwa dzevanhu.

Mutemo uyu wakanangana nekudzika nzira dzekuumba dare kana kuti tribunal inokwanisa kuzoshandiswa mukubvisa makanzura kana mameya anenge achinzi atadza basa negurukota rezvematunhu. Chinangwa ndechekuti paite sungawirirano pakati pemutemo wekutongwa kwematunhu nebumbiro remitemo.

Muzvare Majome vanoti paramende yazotenderanawo kuti iende kuMatabelaland North neSouth mushure mekumbosiya nzvimbo idzi izvi zvakakonzera mutauro wakanyanya vanhu vekumatunhu aya vachiti vainge vashorwa

XS
SM
MD
LG