Bato reMDC rinotungamirirwa nevaimbove mutungamiri wehurumende VaMorgan Richard Tsvangirai rinoti hurongwa hwekuratidzira kwaMutare hasvika padanho repamusoro soro. Kuratidzira uku kuri kuitwa musi wa 25 Chikumi.
MDC- T inoti iri kuratidzira kusafara nemamiriro ezvehupfumi, zvichionekwa nekuvharwa kwemakambani akawanda zvichisiya vanhu vakawanda vasina mabasa.
Bato iri rinoti nyaya yehuwori hwebato riri kutonga reZanu-PF yakonzerawo kuti zvinhu zviomere vakawanda munyika.
MDC inoti vanhu vekuManicaland vanofanira kuratidzirawo nenyaya kwekutsakatika kwemari yemangoda ari mudunhu ravo. Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndivo vakataura kuti mari inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu yainge yabiwa.
Mutauriri weMDC-T kuManicaland VaTrevor Saruwaka vanoti gadziriro yavo iri kufamba zvakanaka chose.
“Tiri kuenderera mberi nemarch yedu musi wa25 June apo tose tichange tichizotangira kumarcha kubva paSakubva Beit Hall tichienda paSwimming Pool muSakubva zvakare tozofora tichipinda mutown tichinozomira paMeikles Park mutown. Ipapo ruzhinji ruchazo addreswa nehutungamiriri hwedu.”
VaSaruwaka vanoti mutungamiriri weMDC vaMorgan Tsvangirai vari kutarisirwa kunge vari pakuratidzira uku.
VaSaruwaka vanovazve mumiriri weMutasa Central mudare reparamende vanoti nyaya yehuori kuminda yemandoda kwaChiyadzwa iri kuvashungurudza zvakanyanya sevana veZimbabwe
“Ndingati chinhu chiri kunyanya kutaurwa mazuvano chinotibata zvakanyanya kuno kuManicaland inyaya ye$15 billion iri kunzi iri kushaikwa naRobert Mugabe nehurumende yake iyo yakabva kuChiadzwa inova mari yatinotarisira kuti kuno kuManicaland imari yaifanira yakashandawo zvizhinji muupenyu wevanhu vazhinji kuno nenyika yose; ndicho chinhu chekutanga ichi."
Vakeenderera mberi vachiti, "Chechipiri inyaya yepfungwa yeZanu PF yekuda kuuyisa maBond Notes, inyaya yatiri kuramba zvachose nekuti tinoziva isusu hupenyu hwatakarara muna 2008 kuburikidza nemabearer cheques izvozvo zviri kutishatirisa, ndizvo zvezvimwe zvatinenge tichiratidzirira”
VaSaruwaka vanoti kuvharwa kwemakambani maMutare kuri kuita kuti vakawanda mudunhu iri vanonge svosve nemuromo.
“Kudhara kuno kwaMutare kwange kune makambani akaita savanaPG kuchishandwa kunana Karina Textiles, Quest Motoring kuchigadzirwa mota. Asi izvezvi hakuchina kwati tonhoo kunyarara saka vana veManicaland vari kuchema kuda mabasa apa hurumende ya(Va)Mugabe payaikambena yaiti ichapa vanhu 2,2 million jobs asi nanhasi hatisati tawana kana rimwe haro. Tiri kutoona mabasa ange aripo achitopera.”
Vaimbove murwiri wehondo yerusununguko VaIrwin Mbengo vanova mudzidzisi pachikoro cheAfrica University kwaMutare vanoti kuratidzira ikodzero yevanhu kana paine zvinhu zviri kuitwa nehurumende zvavasiri kufarira.
VaMbengo vanoti senyaya yemaBond Notes haifanirwi kumanikidzirwa kuvanhu zvikuru kana vachitarisa zvakaitika mumashure panguva yemabearer cheques.
VaJames Mupfumi inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reCentre for Research and Development, CRD. VaMupfumi vachitaura vari parunhare vati kunyangwe hazvo ratidziro dzaisashanda kare asi panguva ino dzinokwanisa kupa pundutso.
Vanoti panguva ino zvava kuda kuramba vanhu vane pfungwa dzimwechete vachiita muonera pamwe sezvo bato rezanu PF rapatsanuka kusiyana nakare nekudaro ratsidziro dzinokwanisa kupa mutsauko pane kuti vanhu varambe vakanyarara.
VaGiles Mutsekwa munyori anoona nezvemukati menyika muMDC-T vati vanotarisira kuti pakuratidzira pavo panenge paine vanhu vanosvika kana kupfuura zviuru gumi sezvo ruzhinji rwevanhu munyika yose rwaomerwa.