Accessibility links

Breaking News

VaBiti Voshanyira Dr Patson Dzamara neVamwe Vari muHusungwa


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party VaTendai Biti nhasi vaenda kuHarare Central Prison nekuChikurubi uko kune nhengo gumi neimwe dzakasungwa dzichiratidzira muAfrica Unity Square.

Vakasungwa ava vanosanganisa Muzvare Linda Masarira, Tatenda Mombeyarara, Dr Patson Dzamara, Pride Mukono, Muzvare Pamela Mawire, Makomborero Haruzivishe, Muzvare Irene Takavada, Shadreck Dhliwayo naBrian Kansunzuma.

Vechidiki ava vaida kuratidzira kwemazuva gumi nematanhatu vachiti havasi kufara nenyaya yekuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutonga nedemo.

Kudare ramajastiriti vakanzi vabhadhare mari yechibatiso inosvika chiuru chemadhora inonzi nemagweta yakawandisa.

Nyaya Ina VaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaBiti vati vanhu vari muhusungwa ava vari kunetseka zvikuru nekuti hapana vari kukwanisa kuunganidza mari inosvika zviuru zvisere zvemadhora zvemari yechibatiso.

Madzimai ari kuChikurubi anonzi ari kunetsekawo nekushaya zvokudya uye mvura yakachena. Mumwe mudzimai ane mwana ane mwedzi mitatu anonzi akatomurumura nekuda kwekusungwa uku.

XS
SM
MD
LG