Vaimbova makurukota ehurumende Brigadier Felix Muchemwa naDr Samuel Mumbengegwi vanoshaya.
Sangano reBuy Zimbabwe rinoti vanhu vemuZimbabwe ngavatenge zvinhu zviri kugadzirwa munyika.
Komiti yedare reparamende inoona nezvekutongwa kwematunhu yapinda muzuva repiri nhasi ichiita misangano yakanangana nekunzwa pfungwa dzevanhu pamutemo weLocal Government Laws Amendment Bill.
Nyika dzakabudirira dzovimbisa mari yakawanda kuGlobal Fund yekurwisa HIV/AIDS, TB neMalaria
Muchirongwa cheThe Connection na8.30 pm, tiri kutarisa zuva remwana weAfrica kana kuti Day of the African Child.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa Short Wave.