Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Vakarwa Hondo Ngavagwarire Kukonzera Imwe Gukurahundi


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi vayambira vamwe vesangano reZimbabwe National Liberation War Veteran’s Association kuti vave kuda kutanga hondo nekutaura zvekuti ndiyani achatora chigaro chavo.

VaMugabe vanonzi vakataura mashoko aya kumusangano weCentral Committee webato ravo nemusi weChina.

Vane ruzivo nezvemusangamo uyu vati VaMugabe vati kuita kwakadai ndiko kwakapa kuti paite hondo yeGukurahundi. Mapepanhau epandandemutande reinternet eNew Zimbabwe neRadio VOP ataurawo kuti VaMugabe.

Hondo yeGukurahundi iyi inonzi yakasiya vanhu zviuru zviviri vafa kuMatabeleland neMidlands kumakore ekuma 1980. Kurwisana kwakazomisa nechibvumirano chakanyoreranwa pasi naVaMugabe nemushakabvu Joshua Nkomo muna 1987.

Vakarwa hondo vanonzi vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kunetsana zvakanyanya nevari kuzviti Generation 40 avo vari kutsigira amai Grace Mugabe kuti vapindewo panyanga.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mpoko vakayambira vakarwa hondo ava svondo rapera kuti vave kupinda nemwenje mudziva nekuvanyomba nekutaura kuti VaMngangagwa vaifanira kutora chigaro chaVaMugabe.

Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo VaVictor Matemadanda vati havana kupinda mumusangano weCentral Committee uyu nekudaro hapana chavangataure. Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vanzi vange vari mumusangano uyu.

Asi mumwe aimbova musangano revakarwa hondo iri audza Studio 7 kuti VaMugabe ndivo voga vangataure nezvenyaya yeGukurahundi sezvo vachiziva zvakaitika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaClifford Mashiri vati VaMugabe vanofanira kugadzirisa nyaya yekuti ndiyani achavatsiva muZanu-PF sezvo zvokonzera kunetsana kwakanyanya.

Hurukuro naVaClifford Mashiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG