Accessibility links

Breaking News

Amai Clinton Voita Mudzimai weKutanga Kutungamira Bato Guru Musarudzo dzemuAmerica


Amai Hillary Clinton
Amai Hillary Clinton

Vaimbova munyori wekudyidzana nedzimwe nyika Amai Hillary Clinton vapinda munhoroondo nekusarudzwa kuita mutungamiri wechidzimai wekutanga kumiririra bato guru musarudzo dzemutungamiri wenyika muAmerica.

Murume waAmai Clinton, VaBill Cilinton vakambitungamirawo nyika yeAmerica.

Amai Clinton ndivo vachange vachimirira bato remaDemocrats mushure mekusvitsa huwandu hwevanhu vanodiwa kana kuti madelegates ekuti vamirire bato ravo musarudzo dzemutungamiri wenyika musi wa 8 Mbudzi. Vanenge vachikwikwidzana naVaDonald Trump shoroma ichamirira bato remaRepublicans.

VaBernie Sanders, Amai Hillary Clinton naVaDonald Trump
VaBernie Sanders, Amai Hillary Clinton naVaDonald Trump

Sarudzo idzi ndedzekutsiva mutungamiri wenyika VaBarack Obama avo vapedza matemu avo maviri.

Mutungamiri wenyika muAmerica anotonga kwematwemu maviri chete kana kuti makore masere obva asiya basa. Izvi ndizviri mubumbiro remutemo.

Vari kukwikwidzana musarudzo dzemaDemocrats idzi naAmai Clinton ndiSeneta Bern Sanders vekuVermont.

Kunyangwe hazvo zvave pachena kuti Amai Clinton ndivo vakunda musarudzo dzemaprimary idzi, pachine sarudzo dziri kuitwa nmanheru eChipiri muAmerica.

Pane matunhu matanhatu ane sarudzo. Panopera sarudzo dzemaprimary bato remaDemocrats richaita musangano mukuru weeconvention mwedzi unouya apo panozogadzwa Amai Clinton zviri pamutemo.

Sarudzo dzemaprimary idzi dzakatanga musi wa 1 Kukadzi. Amai clinton vakambokwikwidza sarudzo dzemuna 2008 asi vakakundwa naVaObama.

Vanotungamira bato rinopikisa re re Africa Democratic Party Amai Marcelina Chikasha vaudza Studio 7 kuti semudzimai vafara nekubudirira kwamai Clinton.

Vatiwo zvaiitwa musarudzo dzemuAmerica zvinoratidzawo kuti panoda kushinga kana munhu aciita zvematongerwo enyika nekuti zvaiitwa naVaTrump zvinoratidza kuti hapana makuva embwa.

XS
SM
MD
LG