Accessibility links

Breaking News

VaManyenyeni Vomiswa Basa Hurumende Ichikwenenzvera Mutemo weKudzinga maMameya


VaBernard Manyenyeni
VaBernard Manyenyeni

Magweta maviri ane mukurumbira munyika Muzvinafunda Lovemore Madhuku naDr Alex Magaisa vanoti hurumende inofanira kugadzirisa mutemo wekutonga mameya nekuti parizvino inongova njake njake.

Mashoko aya anotevera kumbomiswa basa zvekare kwameya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni.

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvematunhu Muzvinafundo Jonathan Moyo ndivo vakamisa basa VaManyenyeni vachivapomera mhosva yekuramba kutambira kurudziro yegurukota rebazi rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere.

VaMoyo vanoti VaManyenyeni vakakundikana kuita ongororo yemafambisirwo emari kana kuti audit kumakambani anoti Easipark ne City Parking. VaManyenyeni vanenge vasingapihwe mari apo vanenge vakamira basa.

Muzvinafundo Madhuku vanoti mamiriro akaita bumbiro remutemo parizvino haatenderi kuti gurukota rezvematunhu ridzinge basa meya. Vati mutemo unofanira kugadziriswa uye izvi zvatotanga kuitwa.

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dr Magaisa vatsinhirawo nyaya iyi vakati chakapa kuti pashaye mutemo inyaya yekuti muZanu-PF maita kunetsana kunotyisa.

VaMagaisa vati vari kuda kudzinga meya basa vari kuchikwata chinozivikanwa nekuti Generation 40 asi vakabata matomu munyaya dzekuvandudza mutemo vari kuchikwata chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa chinonzi Team Lacoste.

Hurukuro naDr Alex Magaisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMngangagwa ndivozve gurukota rinoona nezvemitemo. Kushaikwa kwemutemo uyu ndiko kwapa kuti VaManyenyeni vadzoke pabasa apo vakambomiswazve basa kekutanga naVaKasukuwere.

Dare repamusoro kuGweru rakati gurukota rezvematunhu harina simba rekudzinga meya.

Asi muHarare dare rimwe chete rakati meya anokwanisa kumiswa basa poitwa komiti yekuongorora yakazvimirira inofanira kudomwa mukati memazuva makumi mana nemashanu.

Muzvinafundo Madhuku vati kana pasina kujeka kudai ndipo panozoenda vanhu kudare repamusoro soro, asi vati chikuru kugadzirisa mutemo wavati hauna kunyorwa zvakanaka.

Masangano evagari anoti reHarare Residents Trust neCombined Harare Residents Association kana kuti HRT ashorawo zvikuru maitiro ehurumende aya.

Mukuru we sangano revagari reHRT VaPrecious Shumba vashorawo nyaya yekuti meya angoramba achimiswa basa mabasa ekanzuru achitadza kufambira mberi.

Mashoko aya atsinhirwawo nasachigaro werimwe sangano revagari reCHRA VaSimbarashe Moyo.

Hurukuro naVaSimbarashe Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG