Vamwe vagari vemuguta reMutare kuManicaland vanoti vari kufara zvikuru nemashoko ekanzuru ekuvavakira chikoro chitsva mumusha wavanogara weHobhouse.
Vabereki vanoti kuvakwa kwechikoro ichi kuchabatsira vana vavo vange vofamba mitunhu yakareba.
Chikoro chitsva ichi chiri kutanga kuvakwa gore rino zvichitevera mitero yaibatirwa vagari nekanzuru inozivikanwa nekuti education levy. Vagari vaibatirwa dhora rimwe chete pamwedzi.
Mitero iyi inobatsira nekuwedzera zvikoro zvekanzuru izvo zvange zvave zvishoma zvichipa vana vadiki kuti vafambe vachienda kuzvikoro zviri chinhambwe chiri kure.
Pasi pemutemo weUrban Council’s Act pamisha inosvika mazana mashanu ega ega panosungirwa kunge paine chikoro chePrimary. Amai Gladys Matare vanoti vari kutambira nemufaro kuvakwa kwechikoro chitsva.
“Ini ndiri kufara zvikuru vagari vekuno kuHobhouse nekuti tinenge tava nechikoro padhuze vachisafambi kuenda kure kucchikoro vana vedu vanenge vave nenguva yakawanda yekuitawo mamwe mabasa pasina kutyira kuti vachatorwa nenzizi kure kwava isienda uye kusangana nemabhinya.”
Amai Nelia Mlambo vanoti chikoro chitsva chekanzuru ichi chichabatsira zvakanyanya.
“Isu tiri kunzwa kufara maningi nekuti vana vedu vaibira nzizi zvichipa njodzi, saka nekuvapo kwechikoro ichi tinonzwa kurerukirwa samara sevabereki.”
VaEdson Nyamana vaimbove kanzura weWard 17 iyo ichange yave nechikoro ichi vanoti kuvapo kwechikoro kuchapa zvakare kuti vabereki varerukirwe nekuchengetedza mari apo vana vaida mari yekufambisa vachiende kuzvikoro zviri kure.
“Chinhu chatange takatarisira kumashure uku sezvo nharaunda yedu iri kungokura asi pasina mafacilities anoenderana nekukukura kwavapo.
Zvikoro zviri kure zvekuti vamwe vana veGrade One vaitadza kufamba mitunhu iyi, parizvino tave kutotarisira kuti kanzuru irambe ichiwedzera zvimwe zvikoro.”
VaNoel Nezomba mumwe mubereki wemumusha weHobhouse vanoti kanzuru inofanira kusimbisa kuvaka nzvimbo dzekutandarira.
“Ini semubereku ndinoona zvakanaka zvikuru sezvo tirikuona musha wedu urri kungokura usina mamwe mapublic facilities atinenge tichida kushandisa. Tiri kuona kuti kanzuru iri kugona mukubata mabasa ayo kana ichiita saizvi.”
VaJohn Nyamhoka ndivo kanzura weWard 17 umo muri kuzovakwa chikoro ichi. Kanzura Nyamhoka vaudza Studio 7 kuti kanzuru yatove nemari muhomwe.
“Mari iripo so far muhomwe yekanzuru inosvika $120 000 kuti tiite channel towards kuvakiwa kwechikoro chitsva ichi. Chikoro ichichange chichizonzi Hobdale primary school icho chichazonge chiri muWard 17 muno.”
Kanzuru yeMutare ine humwe hurongwa hwekuvaka chimwe chikoro zvakare mumusha weGreenside Extension zvichitevera huwandu wevanhu. Parizvino musha uyu une chikoro chimwe chete cheMutare Junior Primary School.