Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oburitsa Mazita eVamwe Vakashaya Munjodzi yekwaDema


Zimbabwe Police Accident
Zimbabwe Police Accident

Zimbabwe Republic Police nemusi weChishanu yakadoma vamwe vevanhu gumi nevashanu vakashaya munjodzi yemumugwagwa manheru eChina pedyo neKandava Secondary School pedyo neDema munzira yeChitungwiza-Hwedza.

Izvi zvakatevera kuroverana kwerori yainge yakatakura fodya nekombi yaienda kuhHwedza. Vakashaya vanoti VaBen Mugaba (55), VaElijah Nyabadza vanogara pa Number 1074 Mbuya Nehanda Street Cherutombo- Marondera, VaMichael Fata (50), Amai Getrude Mugocha (40), VaTinashe Bakasa (27) Amai Regina Madziwa (62, Sean Madziwa (4), Wain Madziwa (2), Lesley Ropafadzo Muteweyi (6) naAmai Fabber Mawire (27).

Vanhu vakawanda vari kufa mumigwagwa yenyika nezvikonzero zvakasiyana siyana kusanganisawo makomba, mombe dzinenge dziri mumigwagwa uye kutadza kutyaira kwevamwe vanhu.

XS
SM
MD
LG