Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vokurudzirwa Kubatana Vachizvishandira Murunyararo


Mukuru wesangano re Centre for Youth Empowerment and Development Trust kana kuti CYEDT VaHenry Muwungani vanoti vechidiki vanofanira kuita mushandirapamwe voshanda murunyararo kuyedza kuunza pundutso muhupenyu hwavo.

MuZimbabwe vechidiki vanosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana pavanhu vose vari munyika asi vakawanda vavo havana mabasa.

CYEDT iboka revechidiki rakakatanga mugore ra2011. VaMuwungani vanoti vane zvirongwa zvakawanda zvavakaparura kubva muna 2012 kuyedza kukurudzira kuyanana munyika. “Takaita yainzi Love Peace, Love Zimbabwe Campaign tichikurudzira vechidiki kugarisana zvakanaka mudunhu raMashonaland West province. Takaitazve chirongwa che Program yeSigning Peace Pact Ceremony vechidiki kubva kumapato ezvematongero enyika vachitsidza kuti havachada zvemhirizhonga munharaunda uye vavakuda zvekuita zvinounza budiriro."

​Vanoenderera mberi vachitizve, “ takaita yainzi Real Swag Is My Vote tichikurudzira vechidiki kuti vaende kunoregister kuvhota nekuzovhota kwacho. Takaita zvakare maPeace Tournaments nekuita Peace Nutrition Market Garden, chinangwa chiri chekuti vechidiki vakwanise kusangana vachikurukura matambudziko avanosangana nawo uye kuti vaangagadzirise sei.”

VaMuwungani vanoti mumwedzi inoita gumi nemumwe yapfuura vange vachiita ongororo mumatunhu ose kuda kuona kuti ndezvipi zvinodiwa nevechidiki nematambudziko avonosangana navo.

Vanhu vakawanda munyika vanogara vachichema chema kuti vechidiki vanogara vachishandiswa kuita zvematongerwo enyika uye kutyora kodzero dzevanhu zvikuru munyaya dzesarudzo.

Hurukuro naVaHenry Muwungani
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG