Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vonanga kuPapua New Guinea-Asi Vanopikisa Vovashora


VaRobert Mugabenemudzimai wavo Amai Grace Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasimuka munyika nemusi weChishanu vakananga kuPapua New Guinea kuenda kumusangano weAfrican, Caribbean and Pacific kana kuti ACP.

Musangano uyu uri kuitirwa kuPort Moresby. Musangano uyu uri kutarisirwa kutaura nyaya dzekurima.

Asi mapato akaita seMDC-T nePeople’s Democratic Party nevamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanogara vachishora VaMugabe nenzendo dzavo dzekunze vachiti dziri kupedza mari yenyika.

Mutauriri webato rinopikisda reRenewal Democrats of Zimbabwe VaPishai Muchauraya vashorawo VaMugabe. “Uku kutambisa mari yenyika uye kushaya gwara nekusaziva zvinhu zvakakoshera nyika. Zimbabwe inoda kuti igadzirise hupfumi hwayo uye izvi inokwanisa kuzviita ndokunge yashandisa mari shoma iripo zvakanaka”, VaMuchauraya vakaudza Studio 7.

Mumavhiki apera VaMugabe vakaenda kuSingapore, South Africa neUganda. Kurwendo urwu VaMugabe vakaenda nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe uye gurukota rezvemaindastiri VaMike Bimha.

Musangano uyu uri kutanga nemusi weMuvhuro uvhipera musi weChipiri. Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko ndivo vachasara vakabata matomu.

XS
SM
MD
LG