Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yobvamburana neHighlanders kuNhandare yeRufaro


Protesters gather in front of the Supreme Court holding signs with the image of Judge Brett Kavanaugh that read "Kava Nope" and "We Believe Christine Blasey Ford" on Capitol Hill in Washington.
Protesters gather in front of the Supreme Court holding signs with the image of Judge Brett Kavanaugh that read "Kava Nope" and "We Believe Christine Blasey Ford" on Capitol Hill in Washington.

Nzira dzese muHarare nemusi weMugovera dzichange dzakananga kuRufaro Stadium kumutambo wehondo yeZimbabwe yekutanga yegore rino.

Mutambo wanga wakamirirwa nevatsigiri vezvikwata zvine mukurumbira muZimbabwe zveDynamos neHighlanders wasvika zvekuti nhandare yeRufaro Stadium iri kutarisirwa kuti ichange yakazara kuti tashu veruzhinji vachida kuona kuti mutambo uyu uchapera sei.

Mutambo uyu wauya panguva iyo zvikwata izvi zvirikufamba nzendo yakasiyana, Dynamos ichitambura zvikuru apo Highlanders iri kumusoro soro mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League iwaya.

Parizvino, Highlanders iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi gumi nemana, ukuwo Dynamos iri pachinzvimbo chegumi nembiri nemapoinzi masere chete kubva kumitambo minomwe.

Pamusoro pezvo, Dynamos yakatodzinga kare murairidzi wavo wekunze kwenyika VaPaolo Jorge Silva vekuPortugal vachipa Lloyd Mutasa basa.

Asi Mutasa wacho ari panguva yakaome sezvo vatsigiri vechikwata ichi vasiri kutarisira chimwe chinhu kunze kwemukombe sezviri kutaurwa naVaEammnual Matshinya avo varikubika mimhanzi yekupemberedza Dembare.

Mamiriro akaita zvikwata zviviri izvi haasi kukanganisa mufaro wakatarisana nemutambo uyu. Mumwe muteveri wenhabvu VaPatrick Musarurwa vanoti mamiriro aya ndiwo achaita kuti mutambo uyu unakidze sezvo pasina chikwata chirikuda kukundwa.

Highlanders haisati yakunda Dynamos mumutambo weligi kubvira muna 2006 asi chikwata ichi chiri kubvira moto vatambi vakaita sa Knox Mtizwa, Bruce Kangwa, Simon Munawa, Ralph Mathema, na Honest Moyo vachibhebha zvekuti kune vakawanda varikuti ikozvino Dynamos inorara muligi.

Muteveri wechikwata ichi VaRichard Makusha vanoti zvakaitika gore rapera apo Dynamos yakarohwa kaviri mumitambo yemikombe zvichadzokororwa vachiwedzera ivo kuti mumusha meDembare parizvino muri kundengende, izvo zvirikurovesa chikwata ichi.

Asi Dynamos inozivikwanwa kumuka chibhebhenenga apo inotamba nezvikwata zvine mukurumbira panguva iyo vanenge vasiri kutamba zvakanaka.

Dynamos haina kutenga vatambi vatsva vakawanda gore rino zvekuti iri kutarisira ivavo vemazuva ese vakaita saOcean Mushure, Roderick Mutuma, Farai Mupasiri, Masimba Mambare, na Elisha Muroyiwa kuti varove Highlanders nekubva pachinhanho chavari parizvino.

Muongorori wezvemutambo VaEvans Ngwere vanoti mutambo uyu uchange wakaoma zvinotyisa asi pakugumisira Dynamos inobudirira.

Mutsigiri weDynamos VaIgnatius Changamire varikutokoka vatsigiri veDembare vese kuti vauye kuRufaro Stadium uko varikuti Dembare irikunokunda zvine mutsindo.

Highlanders ikakunda inokwidza kuenda pachinhanho chechipiri patafura yePremier Soccer League, pamusoro peCaps United as iri pasi pechikwata chirikutungamira cheFC Platinum.

Dynamos wo ikabudirira inofamba kusvika pachinhanho chesere mugungano rezvikwata gumi nezvitanhatu iri. Zvikwata izvi zvikaita mangange zvinoramba zviri pazviri parizvino.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG