Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotsvaga Mamiriyoni Manomwe Kuti Iripe Vagari vekuChingwizi


Chingwizi
Chingwizi

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvagari vekuChingwizi, kuMasvingo avo vanoti vanzwa nekugara vakatakura mitundu sezvo vachiramba vachingotamiswa asi vasina mari yemuripo yavari kupihwa sezvakavimbiswa nehurumende.

Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo Amai Shuvai Mahofa vaudza Studio 7 kuti hurumende inoda mari inosvika mamiriyoni manomwe yekupa vagari ava mari yemuripo. Asi vanoti parizvino vari kutotsvaga vane tsiye nyoro vekunze vanobatsira sezvo hurumende yakaomerwa.

Vagari ava vakabviswa kumahombekombe kwedhamu reTokwe Mukosi kuMasvingo muna 2014. Vakatamiswa ezvo misha yavo yainge ichizonyura mumvura nekuda kwekuvakwa kwedhamu iri. Asi muhurumende hamuna kuwirirana kuti voendeswa kupi.

Amai Mahofa, vakaenda kunzvimbo iyi svondo rapera vachiti vave kuda kutamisa vamwe vemhuri dzinodarika zviuru zvitatu. Asi vagari vanoti vari kunetsekana nezviri kuita hurumende zvekuchinja ruvara serwaivhi panyaya yekuti vonyatsogara kupi.

Vakadzingwa basa rekuva gurukota reMasvingo VaKudakwashe Bhasikiti vaigarawo vachingotamisa tamisa vagari ava. Mumwe mugari wemunzvimbo iyi VaMilton Shumba vanoti vagari havasi kufara nemabatirwo avari kuita uye zvave kuvadyira mari yakawanda zvekuti vagare vachingotamiswa.

Pasi pebumbiro remutemo, vanhu vanenge vatamiswa sezvakaitwa vagari ava vanofanira kuti vapihwe mari yemuripo. Asi kubatsira vagari ava vanosvika zviuru makumi maviri kunenge kuri kunetsa hurumenmde.

XS
SM
MD
LG