Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanonzi Vanogona Kutungamira Kuratidzira muBulawayo Sezvo Vanaya


VaMorgan Tsvangirai

Bato rinopikisa reMDC- T rinoti rinotarisira kuti zvikafamba zvakanaka, mutungamiri waro, VaMorgan Tsvangirai, avo vange vari muchipata kuSouth Africa vanogona kuuya kuzobatana nevatsigiri vavo mukuratidzira kuri kuitwa muBulawayo nemusi weMugovera.

Asi nemusi weChishanu bato iri richitungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri waVaTsvangirai, Amai Thokozani Khupe range richifamba nedzimotokari richikurudzira vanhu kuti vapinde mukuratidzira uku kwakanangana nekushora huori muhurumende uye nyaya yehupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka.

Muzvare Thokozane Khupe
Muzvare Thokozane Khupe

​Munyori mukuru weMDC-T VaDouglas Mwonzora vati vatsigiri vavo vanofanira kuuya nehuwandu hwavo kunyangwe hazvo pane vamwe vange voreva nhema vachiti vainge vasisaenderere mberi nekuratidzira uku.

Mapurisa aimbenge aramba kupa bato reMDC-T mvumo yekuratidzira asi dare repamusoro rakati mapurisa ainge asina zvikonzero zvakati tsvikiti zvekudzivisa MDC-T kuratidzira.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG