Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVashanu Voshaya kuDema muNjodzi yeMumugwagwa Asi Vamwe Votadza Kuzivikanwa neKushaya Zvitupa


Vanhu gumi nevashanu vakashaya munjodzi yemumugwagwa manheru anezuro pedyo neKandava Secondary School pedyo neDema munzira yeChitungwiza-Hwedza.

Izvi zvakatevera kuroverana kwerori yainge yakatakura fodya nekombi yaienda kuhHwedza.

Rori iyi inonzi yakaputika vhiri ndokubonderana nekombi. Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vatenda kuti njodzi iyi yakaitika.

Asi vati vakwanisa kuziva vanhu vana chete uye vari kuyedza kuzivisa hama dzepedyo. Asi vamwe vanhu gumi nemumwe vange vasina zvitupa zvekuti kuvaziva kuri kunetsa.

Senior Assistant Commissioner Charamba vakurudzira vanhu kuti vaende kuchipatara cheChitungwiza kana vaine hama dzavo dzavasiri kuziva kuti dziri kupi. Vanhu vatanhatu vanonzi vakakuvara munjodzi iyi. Mapurisa ekudema ndivo vari kuferefeta nyaya iyi.

XS
SM
MD
LG