Accessibility links

Breaking News

VaKudzai Chipanga Votaura nezveKufora kweZanu-PF


Mutevedzeri wemunyori mubato reZanu-PF Youth League VaKudzai Chipanga avo vakaronga kufora kwemusi weChitatu kwebato reZanu-PF vanoti vane hurongwa hwekufora zvekare gore rinouya vachiunganidzazve vanhu vakawanda.

VaChipanga vaudza Studio 7 kuti vari kufara zvikuru nekubuda kwakaita vanhu. “Zvakafamba kudarika zvataitarisira, ndodaro nekuti vanhu vakazviwiira voga isusu at Headquarters level tisina kuvabatsira netransport.”

Asi vamwe vanoti nzvimbo dzavo dzainge dzaberekera ingwe mazuva apfuura sezvo vainge vomanikidzwa kuenda kumusangano uyu vemabhizimisi vachinzi vabvise mari.

Vamwe vakuru vezvikoro vanotiwo vakamanikidzwa kupa mabhazi avo kune vechidiki ava. Asi VaChipanga vati sevakuru vebato vakasiira vekumatunhu kuti vatsvage nzira dzekuuya kugungano vachishandisa nzira dzavo voga.

Asi vamwe vanhu vachiri kugunun’una kuti kwaive kupedza nguva kuteya nzou neriva.

Zanu-PF Youth League
Zanu-PF Youth League

​Asi VaChipanga vati bato ravo harisi hurumende vakati vanofanira kuregwa vachiita havo madiro ajojina nemari yavanenge vaunganidza. Vati chero vange vasingashandise mari dzehurumende.

Asi vanopikisa vanoti Zanu-PF ine nhoroondo yekushandisa mari dzehurumende muzvirongwa zvayo.

Hurukuro naVaKudzai Chipanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG